81
AUNTIE STELLA ANSWER CARDS (SHONA VERSION) Training and Research Support Centre (TARSC) Zimbabwe July 2006 Auntie Stella is a participatory toolkit for youth. An interactive web version is available in English at www .tarsc .org and www .auntiestella.org . Auntie Stella is also available in Shona, Ndebele and Kiswahili, with plans for translations into French and Portuguese in the coming year.These translations can be accessed at http://www .tarsc .org/publications/ under the Children, women and youth section.To make it easier to access these materials, we have divided each translated version into 3 files: Auntie Stella question cards Auntie Stella answer cards Auntie Stella Facilitator s and Adaptation Guide Please make sure you download all three documents for a complete set. Auntie Stella is also available on CDROM and as a printed pack with the letters on cards.The toolkit contains 40 laminated question and answer cards, a 40-page Facilitator s and Adaptation Guide and two information cards — one listing the topics in the letters and the other explaining difficult words. To find out more about the Auntie Stella programme, or to place an order for a CDROM or hard copy,please contact admin@tarsc .org or Box CY2720 Causeway, Harare, Zimbabwe © TARSC

(SHONA VERSION) - TARSCtarsc.org/publications/documents/AS Shona anwers.pdf · AUNTIE STELLA ANSWER CARDS (SHONA VERSION) Training and Research Support Centre (TARSC) Zimbabwe July

  • Upload
    ngodieu

  • View
    887

  • Download
    57

Embed Size (px)

Citation preview

AUNTIE STELLAANSWER CARDS

(SHONA VERSION)

Training and Research Support Centre (TARSC)

ZimbabweJuly 2006

ÔAuntie StellaÕ is a participatory toolkit for youth. An interactive webversion is available in English at www.tarsc.org and www.auntiestella.org.ÔAuntie StellaÕ is also available in Shona, Ndebele and Kiswahili, with plansfor translations into French and Portuguese in the coming year.Thesetranslations can be accessed at http://www.tarsc.org/publications/ underthe ÔChildren, women and youthÕ section.To make it easier to accessthese materials, we have divided each translated version into 3 files:

l ÔAuntie StellaÕ question cardsl ÔAuntie StellaÕ answer cardsl ÔAuntie StellaÕ FacilitatorÕs and Adaptation Guide

Please make sure you download all three documents for a complete set.

ÕAuntie StellaÕ is also available on CDROM and as a printed pack with theletters on cards.The toolkit contains 40 laminated question and answercards, a 40-page FacilitatorÕs and Adaptation Guide and two informationcards — one listing the topics in the letters and the other explaining difficult words.

To find out more about the ÔAuntie StellaÕ programme, or to place anorder for a CDROM or hard copy, please contact [email protected] orBox CY2720 Causeway, Harare, Zimbabwe

© TARSC

1

Wadiwa ZandileZvakaoma kana pavanhu vaviri mumwe wavo achida zvinhuzvakasiyana nezvinoda mumwe.Asi yeuka: kumhanya handi kusvika(usamhanyira kuita chinhu usati wagadzirira).Vanhu vakawandahavasangani pabonde kusvika vakura kana kuti varoorana. Izvi zvinezvazvakanakira zvakawanda. Kana wakura, pfungwa dzako dzinengedzokwanisa kuronga zvakanaka pane zvekudanana. Zvakare, kanausiri kusangana nemunhu pabonde hausi panjodzi yekutapurazvirwere zvenjovhera neHIV, uye kubata pamuviri pausinakugadzirira.

Parizvino, chinhu chakanaka kuti muri vaviri munokwanisakumbundirana nekutsvodana, muchigumira ipapo. Iyi inzirainoyevedza yekutaridzana kuti munodana zvakadii. Usanetsekamupfungwa, vakomana – nevasikana – vanokwanisa kugumirapakumbundirana, panguva ipi zvayo, pasina chakaipa chinozoitikakwavari.

Zvisinei, vechidiki vazhinji vanofunga kuti mukange chete matangakubatana nekutsvodana munoguma masangana pabonde, saka zvirinane kupedza nguva muchitandara muri pamwe neshamwari,pachinhambo chekuva penyu mega muchigumbatirana.

Chiripo ndechekuti vechidiki vanofanira kuzvisarudzira vega kutichakanaka ndechipi, pasina mumwe munhu anovamanikidzira.Tauranemukomana wako. Kana achikuda zvechokwadi achakunzwisisa.

Kana mazofunga kusangana pabonde, ivai nechokwadi kutimashandisa makondomu.Tauriranai izvi musati matanga –zvinozonyanyonetsa kutaura pava pasure.Yeuka kuti vasikanavanokwanisawo kuwana nokutakura makondomu evarumeneevakadzi. Uve nerombo rakanaka.

Tete Stella

Ndorara naye here?

• Unofunga kuti zvinokwanisika here kubatana-batananokumbundirana, muchigumira ipapo, musina kuzoita zvekusanganapabonde? Kana zvisingagoni, chii chaungaita? Dai waiva iwe Zandile,ndepapi pawaigumira, kuitira kuti unakidzwe asi usingazopfurikidzikusvika pakuzoita zvinhu zvausingadi?

MIBVUNZO Tasvika pokuti tingaitazvepabonde here?Pindura mibvunzo iyi uri wega kana kuti muri mose nemudiwawako. Mhinduro ngaive HONGU, KWETE, kana KWETEZVAKANYANYA.

1 Tinonyatsozivana uye mumwe nemumwe wedu anovimbanemumwe here?

2 Tiri shamwari dzepamwoyo here?3 Tinokwanisa kutaurirana takasununguka here nezvepabonde uye

nezvekuti tinofanira kufara kusvika papi?4 Takambotaurirana uye kubvumirana here kuti tingadzivirira

kubata pamuviri sei uye kuti tingadzivirirana kuzvirwerezvenjovhera neHIV sei?

5 Takambokurukura here nezvekunoongororwa utachiwanahweHIV tisati tasangana pabonde?

6 Takambotaurirana here nezvatingazoita kana musikana akaitanhumbu?

MHINDURO: Kana mhinduro yenyu pane upi zvawowemibvunzo iyi ikange iri KWETE kana KWETEZVAKANYANYA, pamwe iwe nemudiwa wako hamusatimasvika pachinhano chekuti musangane pabonde. Zvinodakudzamisa pfungwa.

• Muboka renyu, nyorai zvikonzero zvinoita kuti vamwe vechidikivaenderere mberi, vachinoita zvekusangana nemunhu pabonde.Pashure, nyoraiwo zvikonzero zvinoita kuti vamwe vamire kusvikavakura. Ndezvipi zvaungasarudza iwe? Ipa zvikonzero.

ZVOKUITA

2

Wadiwa PeterUsanetseka – hapana chakaipa pauri. Nhengo dzevakomanadzekuberekesa dzinotanga kukura pavanenge vava kuyaruka,kazhinji pazera remakore ari pakati pe11 ne15, asi dzevamwedzinogona kutangira zera irori kana kuzokura pava pashure.Zvinoitika muupenyu kuti vakomana vaenzanise nhengo dzavo,asi sezvo vanhu vachiyaruka zvakasiyana, zvinoitikawo kutivakomana vezera rimwe vaite nhengo dzakasiyana kukurakwadzo.

Kunyange zviya muviri wako wazokura kuita murume, hapanachinhu chinonzi kukura kwenhengo kunofanira kuwanikwapamunhu wese. Miviri yevanhu inosiyana – ndizvo zvimwenenhengo dzevarume dzekuberekesa.

Zvakare, kukura kwenhengo yako hakunei nezvakawandapanyaya yekugutsa mudiwa wako pamunosangana pabonde.Chiripo ndechekuti unoshandisa nhengo yako nezvimwe zviripamuviri wako sei kuitira kuti iwe nemudiwa wakomugutsikane. Kazhinji, vakadzi vanofarira kubatwa-batwakwenguva refu nhengo yemurume isati yapinda munhengo yavo,nekuti vanonoka kunzwa kuda kuita zvepabonde kupindavarume.Vanhu vanonakidzwa pabonde zvakanyanya kana vainemunhu ane hanya navo, anoziva zvavanofarira nezvavasingadi.Zviri nyore kuzoita rudo rwakadai kana wakura kupinda zvauri,uye wava kukwanisa kutaurira mudiwa wako zvaunoda.

Tete Stella

Nhengo yangu yakanyanya kuita diki here?

• Kukura kwenhengo yekuberekesa hakuna kukosha pakuvamunofadzana murudo rwenyu, asi chakakosha chiiko? (Funga zvauriuye zvaunoita semunhu, kwete kungofunga zvechimiro chako.)

• Nyora zita rako nechekumusoro kwepepa, ugopa pepa racho kunevamwe vemuboka mako, mose muchitambidzana mapepa ane mazitaenyu. Paunotambidzwa pepa remumwe, nyora zvaunoona zvakanakapamunhu wacho. (Semuenzaniso, unganyora kuti: Kunyemwererakwako kunoyevedza/ Ndinofarira mapendekete ako mahombe/ Unevhudzi rakanaka.) Kana uchida, unogona kunyora zita rako pamberipemazwi aunenge wanyora pamusoro pemumwe wemuboka renyuwacho. Panozodzoka pepa rako kwauri pashure pekungeratenderera muboka, uchaona kuti ndezvipi zvinoyemura vanhupauri.

• Pane nzvimbo here inokwanisa, kana munhu anokwanisa kukupamazano akanaka pazvinhu zvakaita sezvomuviri wako, zvepabonde,uye zvekudanana kwakanaka – mumhuri mako, pachikoro,kuchipatara, kana kusvondo? Kurukurai nezvenzvimbo dzacho kanavanhu vacho, kana kuti edzai kushanda nevanhu vacho, mugoona kutindevapi vanopa rutsigiro nemoyo wese uye ndevapi vanobatsirazvakanaka. Mune kodzero dzekubvunza mibvunzo ipi zvayo uyekupiwa mhinduro dzisingasiiriri zvinhu, uyewo kupiwa rubatsirorunonyatsoshanda muupenyu.

• Kana vechidiki vasingakwanisi kuwana ruzivo nerutsigiro munzvimbomamunogara, ndezvipi zvamungaita nezvazvo? Pane nzvimboyakamirira vechidiki here (youth centre) kana kuti mototangisa yenyuhere? Kurukurai nezvazvo, mozosarudza pfungwa dzamunoonadzakanaka pane dzese dzabuda.

ZVOKUITA

3

Wadiwa PatriciaBabamukuru vako vanonyepa nezvechivanhu. PatsikadzechiShona nechiNdebele, chiramu ndechekungotamba mesemuchinemerana, musikana nababamukuru kana nababamunini.Chiramu HACHIREVI kuti musikana anofanirwa kurara muimbaimwe kana kusangana pabonde nababamukuru vake; izvihazvitombobvumidzwi pachivanhu chedu. Une kodzerodzakasimba dzekuramba kana munhu mukuru achidakukukanganisa.

Kumbira rubatsiro kuna tete vako, sahwira wemhuri yenyu kanamumwewo munhu mukuru anonzwisisa – zvinoita nyorekugadzirisa nyaya iyi uine anokutsigira. Edzawo kutauranemukoma wako.

MuZimbabwe, imhosva kuti munhu asangane pabonde nemwanaane makore ari pasi pegumi nematanhatu. Munhu mukuru upizvake anoita izvi anogona kutoendeswa kujeri. Imhosva zvakarekumanikidzira munhu, chero wezera ripi zvaro, kusanganapabonde. Kumanikidzira kunonzi kubata chibharo kanakubhinya, uye kunofanira kumhan’arwa kumapurisa. Zvakare,pane njodzi huru yekubata pamuviri neyekutapura njovheraneHIV.

Chivanhu chedu, kana kuti tsika nemagariro zveduzvinoyevedza, zvakakosha uye zvinotibatsira kugara takabatanasemhuri, uye sevanhu vari munharaunda imwe.Vanhu havafanirikushandisa ‘chivanhu chedu’ kubata vamwe vanhu zvisinakunaka – zvikuru vechidiki.

Tete Stella

Ndorara nemurume wemukoma wangu here?

• Tsika nemagariro zvevanhu vazhinji vekuchamhembe kweAfricazvine zvakawanda zvakanangana nevechidiki nekusanganapabonde, zvakaita sekudzingiswa, kuongororwa umhandara,kugadza nhaka, nezvimwewo. Nyorai pasi tsika dzakadaidzamunoziva. Mapedza, kurukurai zvamunofariranezvamusingafariri patsika dzacho. Semuenzaniso, ndedzipi tsikadzinodzivirira uye ndedzipi dzinokonzera kupararira kweHIV?

• Pachivanhu chenyu, vakomana nevasikana vanobatwa zvakafananahere? Kana zvisizvo, imi munonzwa sei panyaya yacho? Ndezvipizvamungaita?

• Mungashanda sei nevakuru nevatungamiri vechivanhu chedukusandura tsika dzinokanganisa upenyu hwevechidiki vanhasi?Ndevapi vamwe vangabatsira?

• Vanhu vamwe nevamwe vanotungamirirwa upenyu hwavo kwetenetsika dzavo dzechivanhu chete, asiwo nedzimwewo tsikadzinobva kunze. Gadzira mufananidzo (kana kunyora mazwi)uchitaridza zvaunonyanya kufarira patsika dzedu dzepasichigareUYE patsika dzechizvinozvino, dzakabva kumwe. Ungakwanisahere kutora zvose zvakanaka zvetsika idzi kuti zvikutungamiriremuupenyu hwako?

ZVOKUITA

4

Wadiwa PetronellaChokutanga, hapana chikonzero chekuti ubve pamba. Hausipanjodzi. Sezvo iko zvino babamunini vako vava kunyanyakurwara vava kuda munhu anovavaraidza nekuvabatsira.

Pane nzira nhatu dzinonyanya kutapuriranwa nadzo HIV:kusangana pabonde nemunhu ane HIV usina kuzvidzivirira;kupindwa neropa rine HIV kuburikidza nemukubaiwa netsonokana kuchekwa nebanga zvamboshandiswa nemunhu ane HIV;mwana achitapura HIV kubva kuna amai vanayo, paya mwanapaanozvarwa kana kuti paanonwa mukaka waamai.

HAUTAPURI HIV pakushandisa ndiro, matauro, nechimbuzichimwe nemunhu ane HIV kana pakurara mumba mumwe naye.Pane kanjodzi kadiki kekutapura HIV kana uine rondarekuchekwa paruoko, pobva painda ropa remunhu ane HIV. Kutiuve wakanyatsochengetedzeka, pfeka magirovhosi erhabha, kanakuputira maoko ako nepepa repurasitiki, paunenge uchigezazvinhu zvine ropa kana dzimwe mvura dzinobva mumuviri. Nguvadzose, geza nesipo maoko ako uye nhumbi nemachirazvemurwere. Unogonawo kushandisa mishonga yekuurayautachiwona, yakaita seJik.

Zvakaoma kuchengeta munhu anorwara, saka unoda vamwevanokubatsira. Kune masangano nevanhu vanowanikwamunzvimbo zhinji vanokwanisa kupa rubatsiro pane zveutano uyekupa mazano, vachikwanisawo kutaura newe pane zvinokunetsa.Dzimwe nguva vanotobatsirawo nezvekudya nemari yechikoro.

Saka yeuka: babamunini vako vanoda rubatsiro rwako, uyewomwoyo wako munyoro. Usatya.

Tete Stella

Ndiri kuchengeta munhu ane AIDS

• Mumhuri zhinji, madzimai ndiwo anoita basa rekuchengeta vanhuvanorwara. Ko, ndezvipi zvingaitwa nevakomana nevarume? Seizvakakosha kuti vave vanobatsirawo vanorwara? Nyorai pasizvinhu zvamunogona kuita kubatsira. Semuenzaniso; kubatsirakutsvaira dzimba dzevarwere; kutaudzana navo; kutamba nevanavavo kana kubatsira vana pabasa rekuchikoro; kutsvaka huni uyekubika.

• Tsvagurudzai kuti ndeapi masangano, svondo kana zvipatarazvemunzvimbo menyu zvinobatsira mhuri dzinenge dzirikuchengeta vanhu vane HIV kana AIDS. Pane vamwe vavo herevanopa zvidzidzo zvemachengeterwe anoitwa varwere kumba?Ungada here kupiwa zvidzidzo izvi? Unokwanisawo kupindamuboka revaya vanotsigira vechidiki vanenge vachichengeta vanhuvane HIV neAIDS.Taurira vamwe zvinokunetsa pamoyo, uyevaudzewo nezvezvimwe zvinhu zvawakamboita zvakabudirirazvakanaka.

• Muboka menyu, nyorai zvikonzero zvinoita kuti vechidikivakawanda vatapure HIV. (Zvikonzero ngazvisanganisirezvemagariro evanhu, zvezvitendero, zvetsika, nemamwewomatambudziko akaita senhamo, urovha, kushaya rubatsirokuzvipatara, nezvimwewo.)

a Ndeapi matambudziko amungakwanisa kupedza? Munoapedzasei?

b Ndeapi matambudziko akanyanya kukura zvekuti anotodamasangano makuru kuti aagadzirise?

c Pane pangapindawo here vechidiki vachibatsira masanganoacho makuru aya?

• Ndezvipi zvaungaita kuzvibatsira iwe nevamwewo kutimusatapura HIV?

ZVOKUITA

5

Wadiwa LovemoreZvinosiririsa kuti amai vako vakasiya vasina kunyora magoverweavaida kuti nhaka yavo izoitwa. Dai vakanyora, upenyu hwenyuhungadai husina kunyanya kuoma sezvahuri. Vanasekuru vakovanofanira kunyara kuti vakatora zvinhu zvemhuri yenyu.

Pazera rako, haufaniri kuedza kugadzirisa dambudziko iri wega.Musha wega wega une vanhu nemasangano anochengetanekutsigira vana vasina vabereki.Vatsvage, ugovakumbira rubatsiro.Kumbira mazano kuvatungamiri vesvondo.Taura nevanhu kanakuti masangano emunharaunda menyu, zvikuru vemapokaanobatsira mhuri dzakatarisana nematambudziko anounzwaneAIDS. Bvunza vatungamiri vezvikoro, varapi, vatungamiri vemishakana vatungamiri vematunhu vanoshandira hurumende.

Usaora moyo uye usanyara kukumbira rubatsiro – vechidiki vesevane kodzero dzekuchengetedzwa, nedzekuwana zvekudya,zvekupfeka, pokugara, dzidzo neupenyu hwakadzivirirwa kunjodzi.

Hongu, vechidiki vakawanda vane dambudziko rimwe newe iri.Taura navo. Mune zvizhinji zvamunokwanisa kukurukurirana –zvekusuwa, kutambura uye kubudirira kwenyu pane zvimwewozvinhu. Munokwanisawo kupana mazano neruzivo rwekutimungagadzirisa matambudziko enyu sei. Rongai zvimwe zvinhuzvamunoita mose – sekuti kugadzira bindu renyu remuriwo.Kumbirai rubatsiro rwezvinhu zvamungada pabasa rachokuhurumende kana kune mamwe masangano: kana muri boka,makabatana, simba renyu rinenge rakawandawo.

Ndinovimba kuti iwe nevanin’ina nehanzvadzi dzako muchavaneupenyu huri nane.

Tete Stella

Ndini mutungamiri wemhuri yangu!

• Vana vanoda rudo, zvekudya, pokugara, dzidzo neupenyuhwakachengetedzeka kunjodzi. Munzvimbo menyu mune vanavadiki – vane vabereki kana kuti nherera – vasina zvinhu izvihere? Vari kurarama sei?

• Munzvimbo menyu, ndokupi kungawanikwa rubatsiro nevananevechidiki vakaita saLovemore? Unofunga kuti vanowanarubatsiro rwakakwana here? Kana vasingaruwani, ndezvipizvaungaita iwe nevawakagarisana navo kubatsira kusanduraupenyu hwavo?

• MUTAMBO: Itai mutambo muchiedzesera boka revechidikivakafirwa nevabereki vadaidzwa kumusangano wemudunhu mavowezveutano, wakananga kukurukura navo nezverubatsirorwavangada kubva kuvanhu vemunzvimbo mavo. Bvumiranai kutindevapi vamwe vanhu vanofanira kuva pamusangano wacho(semuenzaniso, murapi, mushandi wemuhurumende, munhuanoshanda nesangano rezveAIDS). Kana mutambo wapera,kurukurai pamusoro peizvi:

a Chii chaitika pamusangano uyu? Vanhu vakuru vangavachiteerera here zvanga zvichitaura vechidiki? Nemhaka yei?

b Ndezvipi zvingaita vechidiki kuti vanhu vanoona nezveutanonezveugaro hwevanhu hwakanaka vateererewo pfungwa dzavopane izvo zvavanoda muupenyu. Nderupi rutsigiro rungadikwakuti izvi zvibudirire, uye ndiani angapa rutsigiro rwacho?

ZVOKUITA

6

Wadiwa TitusNdinonyatsokutaurira chokwadi kuti hapana mushongawaunoda kuti mumwe munhu akude.

Chinhu chinonakidza kuda mumwe munhu asihaungazvimanikidzire. Zvinongoitika zvega.Vamwe vanhuvanokwanisa kuita mukomana kana musikana wavanodanananaye pazera rako, asi kune vanhu vakawanda vasingaiti vadiwakusvika vakura kupfuura zera irori. Kunyange vakava nevadiwapazera iri, hazvirevi kuti vanofanira kuita zvepabonde.

Usanyanya kuzvidya moyo nezvinotaura shamwari dzako.Yeukakuti dzimwe nyaya zhinji dzavanotaura dzezvepabondedzinogona kuva dzekunyepa.Vakomana vanozivikanwa kutivanovhaira nezvepabonde zvavasina kumboita.

Zvekare, hazvirevi kuti munofanirwa kuita zvakafanananeshamwari dzako nguva dzose.

Tevedzera zvinoda mwoyo wako, uye vimba nezveupenyuhwako iwe wega.

Nekudaro, rega kunetseka – gara zvako usina mudiwa asiwakafara, kusvika zuva rauchasangana newako chaiyewepamoyo. Zvekuti hauna zvaunoziva nezvepabondehazvizombova nebasa panguva iyoyo.

Panguva ino, simbirira chikoro, tsvaka zvimwe zvinokutandadza,uye dzidza kuremekedza uye kutaudzana nevasikanausinganetseki nenyaya dzezverudo. Rudo runozokusimudzarwega kana ruchinge rwauya, parwunouyira.

Tete Stella

Ndinoda kuita zvepabonde seshamwari dzangu!

• Nyora zvinhu zvose zvaunoita uchizviitira kuti uve seshamwaridzako. Cherechedza kuti ndezvipi zvakanaka nezvine njodzi.Ungada here kurega kuita zvacho zvine njodzi? Kurukuranevamwe vemuboka mako kuti ungaita zvipi kuti uzviregedze.

• Zvipe chibozwa chiri pakati pechimwe nezvibozwa gumi (1 – 10)panyaya yekuti uri munhu anovimba nezvaari here uye anovimbanezvese zvaanenge afunga kana kuronga here. Bvunza shamwariyepedyo kuti anobvumirana nechibozwa chawazvipa here. Kanachibozwa chako chakanyanya kuderera, mungabatsirana sei kutiiwe uve munhu akasimba mupfungwa? Kana chakanyanyakukwiririsa, ndezvipi zvaungaita kuti uve unokwanisa kuteererawopfungwa dzevamwe?

• Nyora pasi zvinhu zvose zvaunoona zvakanaka pauri iwesemunhu. Isawo zvinhu zvakaita sekuti: ndine moyo munyoro;ndinokwanisa kuseka nevamwe nyore; ndinokwanisa kugadzirisanyaya dzinenge dzanetsa. Zvakare, isa zvinhu zvaunokwanisa kuita,sekuti: ndinokwanisa kutamba mumhanzi; ndiri nyanzvi pakurima;ndiri mutambi webhora wemandiriri; ndinokwanisa kuitira vanavadiki ngano. Isa zvawanyora panzvimbo paunokwanisa kuzvionanyore, wozopota uchiwedzera zvimwe zvaunenge wafunga.

• Pavanhu vaunoziva, zvinokwanisika nyore here kuti vasikananevakomana vave shamwari neshamwari, pasina zverudo? Ungadakuti izvi zviitike kakawanda here? Kana uchiti ‘hongu’, shandaneboka rakasangana vakomana nevasikana, muchironga kutindezvipi zvinhu zviviri kana zvitatu zvamungaita svondo rinomuchinakidzwa mose seshamwari. Pakupera kwesvondo,kurukurai zvamakadzidza pane zvamakaita pakuva shamwari.

ZVOKUITA

7

Wadiwa FortunateUne rombo rakanaka. Dai mukomana wawakarambana naye uyuasina kukuudza nezvenjovhera yake, pamwe ungadai usinakuzviziva kuti une chirwere.Asi sezvo wakakurumidza kurapwa,mukana wekuti uzova nedambudziko mushoma.

Vanhu vakawanda havana rombo rakanaka serako. Kazhinji,vakadzi vanoita nguva refu vasina kubuda zviratidzi zvenjovhera,uye havatombozivi kuti vane chirwere. Kana vanhu vakasarapwanjovhera nekukasika, zvibereko zvavo zvinogona kupedzisirazvavharika, vachigona kuzoguma vasingachakwanisi kuita vana.

Kuramba kwaunoita uchibata njovhera ndiko kukura kunengekuchiita njodzi yekuti usazoita vana uye kuti ubate HIV.Nekudaro, panguva dzinotevera shandisa makondomu posepaunosangana nemunhu pabonde.

Zvakare, njovhera haisiyo chete inokonzera kuti munhuasakwanisa kuita vana. Mamwe matambudziko ezveutanoanogonawo kukonzera izvi. Zvakakosha kuti vanhu vavirivanenge vatadza kuita vana vataurirane nyaya yavovachinzwisisana, uye vachiedza kupedza dambudziko racho varipamwe. Kumakiriniki ezvekuronga mhuri vanogona kubatsira.

Vanhu vazhinji vanowanza kupomera mhosva yekushaya mwanakumukadzi, asi zvakaonekwa kuti uwandu hwevakadzi vanengevaine dambudziko iri hwakangoenzanawo nehwevarume.Vanhuvasingakwanisi kuita vana vanoda rutsigiro, kwete kushorwa.

Ndinovimba kuti pfungwa idzi dzichakubatsira.

Tete Stella

Ndakamboita njovhera – saka ndichabereka here?

• Vanhu vanoti kudini pamusoro pevarume vasingakwanisi kuitavana? Ko pamusoro pevakadzi vasingakwanisi kuita vana? Nyoraimapoka maviri ezvinhu, muchitaridza zvinotaurwa pamusoropevarume nezvinotaurwa pamusoro pevakadzi. Zvakafanana here?Ndevapi vanonzwirwa tsitsi kupinda vamwe? Unofunga kuti seizvakadaro?

• Kurukurai nzira dzamungatevedza kuti mukwanise kunzwiravanhu vasingakwanisi kuita vana tsitsi. Ndezvipi zvamungaitakubatsira kusandura mafungiro nemaitiro evanhu vamakagarisananavo?

• Dai iwe nemudiwa wako maida vana asi motadza kuita vanavacho, mungakwanisa kufunga nezvekutora mwana asina vaberekimogara naye sewenyu here? Nemhaka yei? Ndedzipi pfungwadzine vanhu vemunharaunda mako kana verudzi rwako panyayayekutora mwana asiri wako, zvikuru mwana anenge abva kumhuriisiri yenyu?

• Ona makadhi 13 ne25 ane rumwe ruzivo rwakawandarwezvezvirwere zvenjovhera.

ZVOKUITA

8

Wadiwa SithabileUri kuita zvakanaka kuramba zviri kuda kuitwa nemudzidzisiwako izvo zvakaora uye zvakaipa.Vanhu vakawandavangabvumirana neni kuti mudzidzisi uyu haafanirwikubvumirwa kurairidza kana pachikoro chipi zvacho, nekudakwezvaakaita izvi. Ndapota, Sithabile, usaregedza kuendakuzvidzidzo zvake, asi ona zvaungaita nekukasika asatiakukuvadza. Kubatwa chibharo kwakaipa.Taurira shamwari,vabereki vako, kana mumwewo mudzidzisi, vagokupa rubatsiro.

Kana uchifunga kuti vanhu havazobvumi zvaunovaudza, tsvakashamwari yepedyo yaunotaurira, moronga kuti pese paunonzinemudzidzisi usare, shamwari yako inosara newe. Kanamudzidzisi akapikisa achiti unofanira kusara wega, ivanechokwadi kuti shamwari yako inenge iri pedyo zvekutiinonzwa zvese zvinenge zvichiitika. Kana mudzidzisiakadzokorora mabasa ake aya, ridza mhere, shamwari yakoyozova chapupu chako. Ibvai mangopira nyaya yacho kumukuruwechikoro nekukasika. Mhan’araiwo kumapurisa, kana kutizivisai vebazi rinobatsira vana vanofurufushwa nevanobatwachibharo.

Tete Stella

Mudzidzisi wangu anoda kurara neni

• Kana mudzidzisi upi zvake kana mumwewo munhu mukuru akaitazvakadai kwauri kana shamwari yako, taurira munhu waunovimbanaye, mobva maendesa nyaya yacho kumapurisa nekukasika.

• Vana nevanhu vakuru vemunyika zhinji dzekuchamhembekweAfrica vanokwanisa kuwana rubatsiro pashure pekungevachaya runhare panhare iri nyore kupinda, yakaitirwa vanhuvanoda rubatsiro (helpline). Nhare iyi haibhadharwi, uye unogonakuchaya runhare panhamba yacho uri kupi zvako munyika muno.Tsvagurudza zita, kero nenhamba zvekwaunokwanisa kuchayiranhare yekutsvaka rubatsiro iyi mudunhu menyu.

Varovere runhare kana kuvanyorera tsamba kana uchidarubatsiro, uye taurira shamwari dzako nezvavo.

• Kokai mupurisa, kana mumwewo anoita basa rezvematambudzikoevechidiki, kuti auye kuchikoro chenyu azotaura nezvekubatwachibharo uye zvimwe zvekufurufushwa kwevanhu zvinoenderananezvepabonde.

ZVOKUITA

9

Wadiwa SamuelNdine chokwadi kuti wakashamisika Misheck paakakutaurirazvaanonzwa pamusoro pako, asi nyangwe zviri kukunetsa,zvimwe zvaunofarira paari hazvina kusanduka. Hapanachikonzero chekuregera kuva shamwari yake nekuda kwekutichete anonzwa kuda vakomana.Akazvishingisa zvikuru kutiakutaurire chokwadi chake.

Mutsanangurire pachena zvaunofunga. Muudze kuti iwe hausingochani saka haungakwanisi kuva mukomana wake.Usamushungurudza pfungwa dzake. Kana ukakwanisa, ita kutiazive kuti hausi kumusvipa, uye hausi kuda kuti izvizvikanganise ushamwari hwenyu.

Edza kufunga kuti iye anonzwa sei, uye mukumbire kutiakutaurire nezvekuva ngochani. Pamwe anogara akashurikirwakana vanhu vaanogarisana navo vachivenga ngochani. Kanaasingazivi vamwe vanhu ngochani kana masangano anoonanezvengochani, mukurudzire kuti azivane navo.

Chero zvipi zvazvo zvaunenge wafunga kuita neushamwarihwako naMisheck, haufaniri kutaurira kana munhu upi zvake –iye ega ndiye anosarudza kuti otaurira ani, panguva ipi.Vanhuvamunogarisana navo nevamunodzidza navo pamwe vanengevachishoropodza ngochani zvakanyanya, saka vanhu vazhinjingochani vanenge vasingadi kubuda pachena.Asi Misheckishamwari yako, uye anoda rubatsiro.

Tete Stella

Shamwari yangu ingochani uye anondida

• Unofungei nemhinduro yaTete Stella? Samuel angakwanisa herekuita zvavati aite?

• Ngatiti vanhu vese ingochani, kunze kwako iwe wega.Vanhuvangati kudini kwauri? Ungakwanisa sei kuti vanhu vabvumiranenewe kuti wakangozvarwawo wakadaro? Unoziva sei? Unganzwasei pamoyo pako kana vanhu vachiti zvauri ndezvekuzviitisa?

• Kana iwe usiri ngochani, unofanira here kuziva zvakawandanezveungochani? Ndezvipi zvimwe zvaunoda kutiunyatsonzwisisa? Uye ndezvipi zvaungaita iwe kana nevamweveboka rako kusandura mafungiro anoita vanhu nemabatiroavanoita ngochani? Nyora pfungwa dzako, uchitsvakawo dzimwepfungwa kumasangano anoshanda nengochani.Taurira kubokarako pfungwa dzawakawana, pashure pemasvondo maviri.

• Fungawo mamwe mapoka evanhu vanoshorwa muupenyu, (vakaitasevarombo, vakaremara, kana vanhu vane rudzi rwakasiyananerwako). Unofunga kuti sei vanhu vachishoropodza vanhuvakadai?

ZVOKUITA

10

Wadiwa VusiDzimwe nguva zvidzidzo zvikuru muupenyu zvinouyakuburikidza nemukuona kukanganisa kwatinenge taita.Tose tosetine patinombokanganisa – pamwe tichiita mhosho huru,pamwe diki – uye chinhu chikuru chinodikwa kana zvadaikubvuma kuti wakatadza, wobva watsvaka nzira yakanakayekugadzirisa zvawakakanganisa zvacho.

Zvazvisingachaiti kuti utore mazano ababa vako panyaya yakoiyi, zano randingakupa nderekuti utange wataura nemusikanawako, moona kuti ndezvipi zvamungaita. Uchazofanira kutauranasekuru kana tete vako, ivo vozotaurira baba vako.Unofanirawo kuzotaura nevabereki vemusikana wako. Hamenokuti vachazvitora sei, asi yeuka kuti mese mune chekuitanemwana wacho ari munhumbu. Usada kuzvinyengedza uchitiiyi imhosva yemusikana ari ega.

Ndinovimba kuti uchapedzisa dzidzo yako, ugozova muberekiane hanya. Ndinovimbawo kuti kana mwana wako ava kuyarukauchawana nzira yekumubatsira kuti agozokwanisa kusarudzazvakanaka nezvakaipa paanenge ozoronga upenyu hwake.

Tete Stella

Musikana wangu ane pamuviri!

• Pane vechidiki vaunoziva here vakaroorana kana kuita mwanavachiri kuchikoro? Ndezvipi zvazvakazoita izvi kuupenyu hwavo?

• MITAMBO YEKUYEDZESERA: Muri mumapoka evanhu vana,itai mitambo muchitevedzera Vusi aina sekuru kana tete vake,vachiudza vabereki vake nyaya iripo iyi.Vachaudza vabereki seiko?Baba naamai vachataura chii, nokuita sei?

• Ndedzipi yambiro nemazano zvaunopiwa nevabereki vako?Unovateerera here? Kana usingavateereri, imhaka yei?

• Funga pawakamboita chimwe chinhu chaive nenjodzi, sekutikubuda mumba wega usiku uchienda kunofara, kunwa dorozvakanyanya, kana kusangana nemunhu pabonde usinakuzvidzivirira.

a Neiko wakazviita?b Zvakapera zvakanaka here kana zvakaipa?c Ndezvipi zvimwe zvawaigona kuita kunze kweizvo wakaita?d Kangani uchiita zvinhu zvinogona kukupinza panjodzi?

ZVOKUITA

11

Wadiwa SimbaUsanetseka hako. Zvinoitika kuti vakomana vanzwe kuda kuraranemunhu zvakanyanya, uye kuti nhengo dzavo dzekuberekesadzimire nguva nenguva pavanofunga nezvekusangana nemunhupabonde. Bonyora kana kuti bonyoponyo inzira iri nyorekupedza dambudziko iri, asi ita bonyora racho uri pako wegapasina vanhu.

Bonyora kubata-bata nhengo yako yekuberekesa, uchinakidzwa,kazhinji uchiguma wasvika pachinhano chepamusoro-sorochekunakidzwa. Paunenge uchiita izvi, nyama dzenhengo yakodzinozvimbirira, muviri wese uchinzwa kusekenyedzwa. Kanamukomana asvika pachinhano chekunakidzwa chepamusoro-soro, nhengo yake yekuberekesa inobudisa hurume. Kanamusikana asvika pachinhano chekunakidzwa chepamusoro-soro,nhengo yake yekuberekesa inozvimba, mukati mayomuchinyorova kana kuti kutota.

Vese vakomana nevasikana vanogona kunakidzwa nekuzvibata-bata.Vanhu vaviri vanodanana, vasingadi kusangana pabondezvine njodzi, vanogonawo kubatana nhengo dzekuberekesa,vachinakidzana pamwe nekugutsana. Bonyora harinacharinokanganisa muviri wako kana pfungwa dzako. Rinobatsirakutapudza havi yezvepabonde, uye inzira ine utanoyekunyatsonzwisisa muviri wako.Vanhu vemazera ose(vakaroora/vakaroorwa nevasina) vanoita bonyora.

Kunyange zvazvo zvimwe zvitendero zvichiti bonyora rakaipa,vamwe vezvimwe zvitendero vanoti zviri kumunhu ega egakusarudza zvaangada panyaya yacho.

Tete Stella

Kuda kwangu zvepabonde kwakanyanya

• MHINDURO kumibvunzo yezvebonyora

Mubvunzo wechipiri chete ndiwo weCHOKWADI. Mimwe yesendeyeKUNYEPA. Ndezvipi zvimwe zvinhu – zvechokwadi kanazvekunyepa – zvamakambonzwa pamusoro pebonyora? Tsvakaikuti pazvinhu zvacho zvamunoziva, zvechokwadi ndezvipi.

• Vanhu vemunzvimbo mamunogara vanoona sei nyaya yebonyora –semuenzaniso, vanoti chinhu chakanaka, chinochengetedzaupenyu, chinowanikwa muvanhu vose here kana kuti chinhuchakaipa? Maonero evanhu acho akafanana here pabonyorarevakomana nerevasikana? Vanhu vanotaura nezvazvo nyore nyorehere kana kuti vanozvivanza. Kana muchifunga kuti vechidikivazhinji vanofanirwa kutora bonyora sechinhu chakanaka,kurukurai kuti ndezvipi zvamungaita kuti vechidiki vachovasandure mafungiro avo.

• Kazhinji vechidiki vanonzwa kuda kurara nemunhu. Kunzekwebonyora, ndezvipi zvimwe zvavangaita kuzvibatsira asivasingasangani nemunhu pabonde? Nyorai pfungwadzamunobudisa (sekuti munhu akamhanya havi yake inopera),mozosarudza pfungwa dzakanaka kupinda dzimwe.

ZVOKUITA

12

Wadiwa ThembaZvinonetsa kana vanhu vaviri vachitarisira zvinhu zvakasiyanaparudo rwavo, uye zvinotaridza sekuti zvepabonde zvakakoshakwauri iwe kupinda kumusikana wako. Zvisinei, vasikanavashoma vanoda kumhanyirira kurara nemunhu. Havafari kanavakomana vachivabata sechinhu chawakatenga, uye uchitarisirakuti ukamupa mari nezvipo anobva arara newe.

Vakomana nevasikana vazhinji vanoona zvakanaka kuregerazvinhu zvinogona kukonzera matambudziko anouya nekudakwekurara nemunhu uchiri mudiki. Havadi kuzonetseka nenyayadzepamuviri, zvirwere zvenjovhera neHIV, saka vanosarudzakumbomira kusvika vakura.

Funga nezvekudanana kwakanaka – inzira yekuwana kuraranemunhu here, kana kuti unoda kuva neshamwari yechokwadiinokuda nemoyo wese? Kana uchida ushamwari nerudorwechokwadi, unofanira kunyatsofunga nezvezvinodikwanemusikana wako. Usamumanikidzira kuita zvepabonde; haadihake.

Vamwe vanhu vangangova vanobata vakomana nenzirayakasiyana nemabatiro avanoita vasikana, asi izvi zvavakusanduka.Vakomana nevasikana vanotorwa sevanhuvakaenzana. Ndinovimba kuti uchaita zvivindi zvekubatamusikana wako semunhu akaenzana newe uye kuti muchavanerufaro muri vaviri.

Tete Stella

Ndinotenga zvekudya, ndoregerei kurara naye?

• Munofungei nemhinduro yaTete Stella? Munobvumirana herenezvavaudza Themba? Kana musingabvumirani nazvo, ndeapimazano amungapa?

• VASIKANA: Nyorai pasi zvinhu zvinofanirwa nezvisingafanirwikuitwa kana kutaurwa nevakomana kana vachida ushamwarihwakanaka nevasikana.

VAKOMANA: Nyorai pasi zvinhu zvinofanirwa nezvisingafanirwikuitwa kana kutaurwa nevasikana kana vachida ushamwarihwakanaka nevakomana.

Pashure, mapoka avasikana ngaachinjane zvaanyora nemapokaevakomana. Ongororai zvanyorwa nevamachinjana navo.Mapedza, chisanganai vakomana nevasikana, muchibvunzanamibvunzo kuti muzive zvakadzama nezvezvinofungwa nevamwevenyu.

• Itai gakava pane mumwe wemisoro iyi:

– Musikana anofanirwa kurara nemukomana wake kanamukomana wacho achimutengera zvinhu.

– ‘Rudo rusina zvepabonde rwakafanana nebindu risina maruva’.Munobvumirana nazvo here?

– Hazvina kunaka kurara nemunhu musati maroorana.

ZVOKUITA

13

Wadiwa JabulaniWaita zvakanaka kukumbira mazano. Mapundu panhengoyemukomana kana yemusikana yekuberekesa anogona kungovazvawo mapundu, kunge aya anowanikwa kumeso, kana kutimapundu acho anenge achitaridza kuti une chirwerechenjovhera.

Kana usati wamborara nemunhu, pane chokwadi kuti haunanjovhera. Kana wakarara nemunhu mumazuva achangopfuura,usina kuzvidzivirira, mapundu aya angangoreva kuti une imweyenjovhera dzakaita se-genital warts, syphilis, chancroid kanagenital herpes. Mudzidzisi wako weFomu 2 pamwe airevanjovhera yerudzi rwe-syphilis iyo inogona kukanganisa pfungwakana ikasarapwa. Unofanira kuongororwa nevarapi wobvawangorapwa nekukasika.

Kana uine njovhera, zvakakosha kuti utaurire mudiwa wako,kana vadiwa vako, kuitira kuti vagorapwawo.Vakadzi, kunyanya,vanogona kubata njovhera asi isingataridzi kuti iripo.

Nekudaro, ndapota, enda kuchipatara nekukasika. Zvirwerezvenjovhera zvizhinji zviri nyore kupora kana zvikarapwanekukasika. Enda neshamwari kana mumwe munhu mukuruwaunovimba naye kuti agokutsigira, nekuti pamwe varapivanogona kukushaira hanya kana kukushoropodza. Une kodzeroyekurapwa zvakanaka, pasina kutsvinyirwa. Uve neromborakanaka.

Tete Stella

Mapundu panhengo yangu yekuberekesa!

• MHINDURO kumibvunzo yenjovhera

Mibvunzo 1 na5 ndeyeCHOKWADI. Mibvunzo 2,3 (kurega kuraranemunhu kunogona kukuchengetedza) uye mubvuno 4 (njovheradzakasiyana dzine zviratidzo zvakasiyana uye vakadzi kazhinji havaitizviratidzo) ndeyeKUNYEPA.

• BASA REKUITA: Shandisai magwaro makuru, mifananidzonerumwe ruzivo rwezvenjovhera runobva kubazi rehurumenderinoona nezveutano. Boka rimwe nerimwe rinosarudza njovheraimwe chete rogadzirira zvekuzotaurira vamwe.Taurai pamusoropeizvi zvinotevera, kana mukakwanisa kuwana ruzivo rwakakwana:

– Zita renjovhera iyi nderekuti chii? (RechiShona, rechiRungunerinoshandiswa kuzvipatara.)

– Ndezvipi zviratidzo zvenjovhera yacho? (Kuvarume nekuvakadzi.)– Njovhera yacho inorapwa sei?– Ungazvidzivirira kubata njovhera yacho sei?

Pashure peizvi, gadzirai mibvunzo gumi iri maererano nezvesezvamadzidza nezvenjovhera. Chengeterai mhinduro dzacho papeparakasiyana nerine mibvunzo. Chinjanai mibvunzo neverimwe boka,mopindura mibvunzo yacho, pashure mozoongorora kuti vagonakupindura zvakanaka ndevapi. Vawana zvibozwa zvakawandandevapi?

• Daidzai murapi kana munhu anoshanda nezveutano kutiazokutaurirai nezvenjovhera uye nezvekodzero yekurapwazvakanaka pasina kufurufushwa nevarapi. Bvunzai kuti ndezvipichaizvo zvinoitika kana munhu wechidiki aenda kukirinikinedambudziko renjovhera. Kana makiriniki emunzvimbo menyuasingabatsiri vechidiki zvakanaka, ndezvipi zvamungaita kuti zvinhuzvimire zvakanaka? Ndiani angabatsira?

ZVOKUITA

14

Wadiwa FlorenceNdine urombo kuti une dambudziko rakadai, asi zvakanaka kutiuri kufunga nezvekunoongororwa utachiwona hweHIV. Ichichingangova chimwe chezvinhu zvaungaita muupenyu zvinodakunyatsoshinga – uye chiri chinhu chine musoro. Zviri nani kuzivachokwadi pane kugara uchitya.

Paunonoongororwa HIV (semuenzaniso, kuNew Start Centre)panenge paine vanhu vakanyatsodzidzira basa vanotaura neweusati waongororwa uye pashure pekunge waongororwa,vachipindura mibvunzo yako, uye vachikubatsira kutambira zvauri,zvisinei kuti wawanikwa uine HIV here kana kwete. Hausungirwekutaura zita rako, uye zvese zvaunotaura zvinochengetedzwamuhana memunhu anokubatsira wacho.

Murapi anobaya chigunwe chako zvishoma kuti atore ropa shomashoma. Kazhinji, unoudzwa mamiriro ako zuva rimwe chete iroro.Nzira yacho inoshandiswa kuongorora kazhinji inobudisachokwadi – asi ukaongororwa HIV kusati kwapera mwedzimitatu kubvira pawakaibata, haionekwi nemichina yacho.Nekudaro, kana wakarara nemunhu usina kuzvidzivirira,ukaongororwa ukawanikwa usina HIV, unofanirakunoongororwazve kechipiri mumashure memwedzi mishoma.

Ndapota, kurudzira mukomana wako kuti anoongororwa HIV.Kana akasaenda uye asingashandisi kondomu, une zvakadzamazvaunofanira kufunga kuti wozvifambisa sei.

Kana ukawanikwa usina HIV, ibva watoona kuti ucharamba usinautachiwona uhwu, ndiko kuti usazozvidyazve moyo.

Ndinoti iwe nemukomana wako muve nerombo rakanaka.

Tete Stella

Ndingangova neHIV

• Kana Florence akanoongororwa akawanikwa asina HIV, ndeapimazano aungamupa kuti arambe asina utachiwona uhwu? Nderupirutsigiro rwaangada?

• Pazasi pemusoro wega wega unotevera, nyora zvikonzerozvinokodzera:a Neiko vanhu vasingadi kuziva kuti vane HIV kana kuti havana?b Sei zvakakosha kuti uongororwe kuti une HIV kana kuti

hauna?Ndepapi pabuda zvikonzero zvakawanda? Ndeapi mazano aungapamunhu ari kufunga zvekunoongororwa kuti ane HIV here?

• Tsvagai kuti nzvimbo yekuongororwa nekupiwa mazanonezveHIV iri pedyo ndeipi – sekuti New Start Centre kanakiriniki. Bvunzai kana pachifanirwa kubhadharwa mari, kana kutivanhu vanoongororwa pachena. Pane mazera anonzihaaongororwi here panzvimbo pacho?

• Wakamborara nemunhu here usina kondomu? Kanawakambodaro, funga nezvekunoongororwa HIV. Nderupirubatsiro rwaungada kuti uwane zvivindi zvekuita izvi? Batsiranaipese pamunokwanisa kubatsirana.

• MUTAMBO WEKUTEVEDZERA:Vanhu vaviri vanotevedzeraFlorence nemukomana wake. Ngavayedzesere hurukuro yavo apoFlorence anoudza mukomana zvinhu zviri kumunetsa,nekumukumbira kuti vaende vese kunoongororwa HIV. Chiichinoitika pamitambo yenyu yekutevedzera iyi?

Kana mukomana akaramba, kurukurai kuti Florence angaita zvipikuti abvume.

• Onai mazano ezvekurarama kwakanaka, kune tariro, uine HIV, aripakadhi 26.

ZVOKUITA

15

Wadiwa ShamisoWagona nekubvunza kwawaita, Shamiso. Chirwere chegomarararerudzi urwu chinobatira pamuromo wechibereko. Ndichochirwere chegomarara chinonyanya kuwanikwa muvakadzimuZimbabwe, asi vanhu vashoma vanoziva nezvacho.Chikarapwa nekukasika chinogona kupera zvachose.

Mukadzi ane mukana wekubata chirwere ichi kana:

– akatanga kurara nemurume ari pazera diki (pamakore akeokutanga kutevera)

– akarara nevarume vakawandisa

– mudiwa wake waanorara naye akamborara nevanhuvakawanda

– akamboita mapundu enjovhera panhengo yekubereka

– aine HIV kana AIDS

– apfuura zera remakore 35.

Vamwe vakadzi muZimbabwe vava kuita gomarara iri vaine zeraremakore ekumakumi maviri. Nyatsofungisisa usati wararanemunhu, uchiri pazera rechidiki, uye zvichengetedze. Kanauchinge watanga zvekurara nevarume, unofanirwa kuongororwagomarara iri kamwe chete pagore kana uchirara nevarumevakawanda, kana kamwe pashure pemakore matatu kanauchirara nemunhu mumwe asingarari nevamwe vakadzivakawanda. (Nzira yekuongorora gomarara iri inonzi PapSmear.) Zvipatara nemakiriniki mazhinji zvinokwanisa kuitaongororo iyi. Hapana mukadzi anofanira kufa nguva yake isatiyakwana, kana gomarara iri rikaonekwa nekukasika.

Tete Stella

Ndinotya gomarara remuromo wechibereko

• Ndezvipi zvawadzidza nezvegomarara remuromo wechibereko?Tauriranai nezvegomarara iri nehama dzako dzechikadzi.Vaudzenezvekuongororwa gomarara racho.

• Tarisa zvikonzero zviri mutsamba yaTete Stella. Pane njodzi iripohere yekuti iwe kana mudiwa wako angangozoita gomarara irimakura. Kana paine njodzi iyi, tsvaga rumwe ruzivorwezvegomarara iri, uye kuti rinoongororwa sei.

• MUNOGONA KUITA IZVI:– Daidzai murapi kuti azotaura nemi nezvegomarara remuromo

wechibereko; kuti rinombova chii, ringaonekwa sei, uyerinorapwa sei.

KANA KUTI:– Ita tsvakurudzo yezvegomarara remuromo wechibereko,

uchishanyira kiriniki kana imba inochengeterwanekukweretwa mabhuku (library). Gadzira gwaro raunonyoraruzivo rwaunozopawo kushamwari nehama dzako.

ZVOKUITA

Mamiriro echibereko

Chubhu inofambanemazai

Zai

Chibereko

Nhengo yekuberekesa

Muromowechibereko

16

Wadiwa SibongileNdine urombo kunzwa nyaya yako. Zvakaitwa nababamukuru vakozvakaipisisa. Haisi mhosva yako – ivo ndivo vakapara mhosva uyevanofanira kumiswa kuita zvakadai zvakare.

Usatya – unofanira kuwana munhu waunotaurira nekukasika.Mwana asingacheme anofira mumbereko, (kunyarara kunogonakuparadza upenyu hwako).Taurira vabereki vako, imwe hama kanamumwewo munhu waunovimba naye. Unoda mumwe munhuanokupa mazano nokukutsigira, achakubatsirawo kuendakumapurisa kunopiwa rumwe rubatsiro.

Pira nyaya yechibharo kumapurisa nekukasika; kana zvichiitavataurire usati wageza muviri kana kuchinja hembe dzako, nekutipamwe mapurisa vangangoda kuona umbowo. Zvakare, kumbiravanoona nezveutano kuti vakubatsire kudzivirira kubata pamuviri.Mamwe makiriniki ane mushonga wepost-exposure prophylaxis(PEP), unogona kudzivirira kubata HIV kana ukanwiwa kusatikwapera mazuva matatu kubva pawabatwa chibharo.

Kubatwa chibharo hakumbofi kwakaita mhosva yeuyo anengeabatwa wacho, asi pane nzira dzinogona kutevedzwa nemadzimaikuiitira kuti vasabatwe chibharo. Usambofamba wega, (kanauchifamba wega usaratidza kutya uye famba nekukasika). Nyangwewava pazera ripi, usambofa wakanwa kana kuputa zvinodhaka,uchisara wararadza. Kana pane mukomana wawafarira, mutaurirezvakasimba kuti unoda kuti mutange masvika pachinhano chipimusati maita zvepabonde. Kana paita munhu ari kuedza kukubatachibharo, ridza mhere, mupfure nemakumbo, murume nemuromo,murove nemaoko kana kuti murove nemabvi pakati pemakumbo.

Sibongile, ndinovimba kuti uchawana rubatsiro rwauri kuda.

Tete Stella

Ndakabatwa chibharo

• Seiko kuine vakadzi nevasikana vakawanda vari kubatwa chibharonekukuvadzwa muupenyu hwedu? Itai hurukuro. Pamhinduro yoseyose yamunopa, bvunzai mubvunzo wekuti “Asi neiko?” kuitira kutimubudise zvikonzero zvakadzama.

Kubatwa chibharo nekufurufushwamunharaunda maunogaraTarisai pfungwa dzinotevera idzi. Dzinotsanangura zvakadii zvirimunharaunda maunogara? Papfungwa yega yega, iti ICHOKWADI,KUNYEPA kana kuti HANDINA CHOKWADI.

1 Munharaunda matinogara , vasikana nevakadzi vanokwanisa kufambakwavanoda, kwese zvako, pasina njodzi, nguva ipi zvayo, pasina kutya.

2 Zvekubatwa chibharo nekufurufushwa zvinotaurwa pachena, pasinakuvanza. Kana wechidiki akataura kuti abatwa chibharo kana kutiafurufushwa, vechikuru vanoona zvavangaita kuti zvisazoitikazvakare. Hapana kana anombopomera wechidiki wacho mhosva.

3 Kana munhu wechidiki akabatwa chibharo, makiriniki ane mishonganeunyanzvi hwakakwana hwekubatsira pfungwa dzake, uye mapurisaanoedza napose paanogona kutsvaka nekugadzirisa munhu wachoanenge abata chibharo.

4 Vakomana vanotambira sechokwadi uye vanoremekedza musikanakana achinge ati haadi zvepabonde.Vakomana havafungi kutiikodzero yavo kurara nemusikana; vanozviziva kuti vanokwanisakuzvibata.

Mhinduro: Vashoma venyu, kana kuti hapana, vangapindura vachitiICHOKWADI papfungwa dzese dziri pamusoro idzi. Ndezvipizvinofanira kuitika munharaunda mamunogara kuti muve muneugaro hwakana, musina chibharo, kufurufushana, nekukangaidzana?

• Itai tsvakurudzo, muwane ruzivo rwakadzama nezvemushongaunonwiwa pasure pekubatwa chibharo, unobatsira kudzivirira kubatapamuviri, uye mushonga wePEP unogona kudzivirira kubata HIV.

ZVOKUITA

17

Wadiwa SimiloMatambudziko ako akaoma, asi kurara nevarume uchibhadharwamari kunokupinza mune mamwe matambudziko akawanda.Varumevazhinji vanobhadhara kuti varare nevakadzi havadi kushandisamakondomu. Saka unogona kuguma wava nepamuviri, kana HIV,kana zvese. Unogonawo kurohwa kana kubatwa chibharo.

Kurara nevarume uchibhadharwa (kuita chipfambi) imhosvamuZimbabwe, saka pakaita chakaipa chaunosangana nacho mapurisaanogona kurega kukubatsira uye unogona kuguma wava mujeri.Ndapota, usaita basa iri. Zvinokupinza mukutambura kwakanyanya.

Zvaungaita ndezvekufunga dzimwe nzira dzaungawana nadzo mari,kana kufunga kuti ungawana munhu kana sangano ripiringakubatsira. Bvunza vanhu vakawanda – pachikoro pako,kusvondo, nemuvavakidzani vako – uye ramba uchingobvunza. Bazirehurumende rinoona nezvehugaro hwevanhu (Ministry of SocialWelfare) ringangogona kukubatsira.

Kana zvese zvawaedza zvikaramba kushanda, usaora moyo.Vanhuvakawanda vanopedza dzidzo dzavo vakura. Zvakare, kune nziradzakawanda dzekudzidza.Tsvaka unyanzvi hwebasa chero hupizvahwo hwaungakwanisa kuwana, zvisinei kuti uri kubhadharwahere kana kwete.Tsvaga mabasa ari kuitwa munzvimbo makougokumbira kubatsira. Kumbirawo mabhuku ekuverenga.

Kana wazofunga zvekurara nemunhu, zviite murudo, kwetemukutsvaga mari. Zvakare, iva nechokwadi kuti une ruzivorwakakwana rwezvemakondomu evarume neevakadzi, mapiritsiekudzivirira kubata pamuviri, nedzimwewo nzira dzekudzivirirakubata pamuviri, njovhera neHIV.

Uve nerombo rakanaka.

Tete Stella

Ndorara nevarume here kuti ndiwane mari?

• MUTAMBO WEKUTEVEDZERA: Shandai muri vaviri vaviri.Tevedzerai munhu akaita saSimilo ari kukumbira mazanokumunhu mukuru anoremekedzeka, mazano ekuti angabhadharamari yake yechikoro sei.

Mapedza kuedzesera uku, taurirai vamwe vemuboka menyu kutimanga muchinzwa sei pamanga muchitevedzera Similo. Ndezvipizvaita kuti zvive zvakaoma kana kuti zvive nyore kukumbirarubatsiro? Ndeapi mazano aungape munhu ane dambudzikoseraSimilo?

• Rongai kuita gakava pamusoro unotevera uyu:

‘ Vakadzi vazhinji havaiti zvekurara nevarume vachibhadharwamari nekuda kwekuti zvinovanakidza, asi nekuda kwekutivanenge vachida mari yekuriritira mhuri dzavo.’

• Vanhu kazhinji vanoshoropodza vakadzi vanorara nevarumevachibhadharwa asi havamboshoropodzi varume vachovanovabhadhara mari kuti varare navo. Munofunga kuti neikovanhu vachidaro? Zvakanaka here izvi? Kana zvisina kunaka, vanhuvangaita sei nenyaya yacho?

• Itai tsvakurudzo, muchitsvaka mitemo yemunyika muno neyekunedzimwe nyika iri maererano nezvevanhu vanorara nevanhu kutivabhadharwe mari, uye iri maererano nevanhu vachovanobhadhara mari.Vanhu vanoita basa iri rekurara nevanhuvanodzivirirwa zvakadini nemitemo uye vane kodzero dzakadiimunyika dzakasiyana-siyana? Ndezvipi zvamunofunga kuti ndizvozvinofanira kuitwa?

ZVOKUITA

18

Wadiwa EdsonNdine urombo kuti uri kunetseka nenyaya yekurota vasikanauchizomuka wakatota. Usanetseka hako, hapana chakaipapamuviri wako uye hapana chikonzero chekuti unyare.

Zviri kuitika kwauri izvi zvinowanikwa, uye zvinotaridza kutimuviri wako wava kusanduka kubva kuhwana hudiki kuitamurume mukuru.Wava kuyaruka. Pazera irori, muviriunosanduka, nhengo dzekuberekesa dzichitanga kubudisahurume. Hurume hunenge hwangomirira kubuda munhengoyekuberekesa, uye kazhinji hunobuda paunenge uchirotazvevasikana. Unogona kuona kuti paunomuka nhengo yakoinenge ichakamira. Izvi hazvirevi chete kuti pawanga urerewanga uchirota vasikana, asi kutiwo wayaruka.

Zvekurota vasikana uchizomuka wakatota zvinowanza kuitikapavakomana vezera rako, asi vamwe vanogona kurambavachizviita kunyange vava vanhu vakuru, upenyu hwose.

Saka usanetseka hako kuti zvingazokupa matambudziko uchingewazoroora – zviri kuitika izvi ndiwo masikirwo akaitwa varume.Varume vose vanotombozviita pane imwe nguva muupenyuhwavo. Bvunza mukoma wako kana sekuru; uchanzwa vachitizvinoitika.

Tete Stella

Ndinomuka ndakatota

• Pedzisa zvirevo zvinotevera:

a Ndinofarira kusanduka kuri kuita muviri wangu pandiri kukuranekuti…

b Handifariri zvimwe zvacho zviri kusanduka nekuti…

Ndezvipi zvawadzidza pakupindura mibvunzo iyi? Pane zvimwezvaungada kuita here kana kuziva? Tsvaka kuti ndeipi nzirayakanyatsonaka yekuita izvi.

• Pane zvimwe zvinhu zvaunonetseka nazvo here zvinowanikwamuvanhu vose? Taura neshamwari yako kana munhu wechikuruwaunovimba naye.

ZVOKUITA

19

Wadiwa ThandiweHongu, mushonga we-antiretroviral ( kana kuti ARV) unogonakubatsira vanhu vane AIDS. Mushonga uyu haubvisi HIVmumuviri, asi kuti unoimisa kuti isarambe ichiwanda, zvinobvazvabatsira muviri kuti uwane simba rekurwisa zvirwere. Hongu,mushonga uyu unodhura.Asi mutengo wacho wava kudererasezvo mushonga wacho wava kugadzirwa muZimbabwe.

Zvisinei hazvo, mushonga weARV wakasimba uye unonetsakushandisa, uyewo kazhinji vanhu vanozotanga kuushandisa kanavava kurwarisa. USASHANDISA mushonga uyu usina kupiwamazano nachiremba uye usati waongororwa HIV. Zvakare,unofanira kuva nechokwadi kuti unozokwanisa kurambauchitenga mushonga wacho upenyu hwako hwese nekuti zvinenjodzi kuti kana wambotanga kunwa mushonga wachowombomira, wozotangazve pashure penguva.

Yeukawo kuti mushonga weARV haisiyo yega nzira yekutiurarame zvine utano. Unogona kurwisa HIV nekudya zvekudyazvinokodzera, nekurarama uine tariro. Izvi zvinosanganisirawokuona kuti pese pawarwara warapwa nekukasika.

Mushonga weARV unoita kuti unzwe zviri nani, asi HIV inengeichingova muropa mako, saka unogona kupa mumwe HIV kanakuti iwe wacho unogona kutapura imwe HIV.Yeuka kushandisamakondomu paunosangana nemunhu pabonde, kana kushandisadzimwe nzira dzisina njodzi.

Kunyange uchishandisa mushonga weARV kana kutiusingaushandisi, edza kurarama upenyu hune utano, ugovanemakore akawanda ekuriritira mwana wako.

Tete Stella

Chii chinonzi antiretroviral?

• MUNOGONA KUITA IZVI:

Kushanyira kiriniki kana dzimwewo nzvimbo dziri kubatsira vanhuvaneHIV neAIDS, kuti munowana rumwe ruzivo rwezvemishongauye rwezvekurapwa kwevanhu vacho.

KANA KUTI:

Tsvakai ruzivo rwese rwamungakwanisa kuwana rwezvemushongaweARV. Unokwanisa kuwanikwa nemunhu wese here? Unopiwavanhu mahara here, kana kuti unoita marii? Tsvakaiwo kutindezvipi zvakanaka uye zvinonetsa pakushandisa mushongawacho.

• Nderupi rutsigiro runodikwa nevanhu vanoshandisa ARV? Kubvakuna ani? (Fungai nezvebasa remhuri neshamwari, uye kutinderupi rubatsiro rungabva kumakiriniki nekune dzimwe nzvimbodzakamirira kubatsira vanhu.)

• Kana mushonga weARV uchikwanisa kuponesa vanhu, seiuchinetsa kuwana? KuSouth Africa, ruzhinji rwevanhu rwangarwuchishanda pamwe chete kukurudzira hurumende kuti ionekuti munhu wese anoda mushonga uyu auwana. Munyika menyumune mapoka api anoona nezveutano ari kuedza kuti mushongauyu uderere mutengo, uchiwanikwa nyore? Ndezvipi chaizvozvavari kuita? Ndezvipiwo zvingaitwa nevechidiki mumapoka achoaya?

• Onai kadhi 26 rine mazano ekurarama upenyu hune utanonetariro uine HIV neAIDS.

ZVOKUITA

20

Wadiwa OliverKana mukadzi wemuridzi wepamba pauri kugara achida kuraranewe ari kukanganisa kodzero dzako, ari kukufurufusha.Pamutemo wenyika, imhosva yaari kuita. Unofanira kuwanarubatsiro, uye kubva paimba apa zvinhu zvisati zvanyanyakushata. Ndinobvumirana newe kuti kuudza murume wachokunogona kukupinza mudambudziko guru. Saka ndingangokupazano rekuti utaurire vabereki vako nekukasika uye kuti utsvakekumwe kwekugara. Ndine chokwadi kuti vabereki vako vanodakuti ugare paimba pasina matambudziko, uye kuti vachaita zvosezvavanogona kubhadhara mari yeimba nenguva yakanaka muneremangwana. Kana mukadzi uyu akaedzazve nyaya yake usatiwabva pamba apa, muudze zvakasimba kuti arege kudaro. Kanaakaramba achisimbirira, shandisa simba.

Zvakaoma chaizvo kuti murume akwanise kutaridza kuti abatwachibharo nemukadzi, zvikuru kana pasina chinhu chingataridzekuti akaita zvekumanikidzirwa nechisimba. Zvisinei hazvo,mukadzi uyu ari kuedza kukumanikidzira kuti urare naye iweusingadi.Ari kukanganisa kodzero dzako.

Ndapota, enda kure nekukasika.

Tete Stella

Mukadzi wemba anoda kurara neni

Kodzero dzevechidiki pane zvepabonde nezverudo

Tarisai kodzero idzi dzinotevera dzevechidiki, dzezvepabonde nezverudo,pashure mozotaurirana nezvemibvunzo iri pazasi.

1 Hapana munhu anofanira kukubata kana kurara newe iweusingadi.

2 Zvinofanirwa kuva nyore kuwana zvinhu zvekudzivirira kubatapamuviri, uye kuwana ruzivo rwezveutano nerwezvinhuzvinoitika pakuyaruka kwemunhu.

3 Vanhu vese vanoshanda panzvimbo dzakaita semakiriniki kanakamba dzemapurisa vanofanira kuva vane ruzivo rwakakwana,vachipa rubatsiro, uye vaine tsitsi.

4 Kunofanira kuva nekuongororwa utachiwona, kupiwa mazano,nekurapwa kwakanaka pane zveHIV neAIDS, uye panofanira kuvanemishonga ine mutengo wakaderera, isinganetsi kuwana.

5 Vasikana vane pamuviri vane kodzero dzekuenda kuchikoro.6 Kana uine HIV kana AIDS, hapana munhu anofanira kukubata

zvakasiyana nevamwe, kana kukutsvinyira.7 Munhu wese – murume, mukadzi, mudiki, mukuru, murombo,

mupfumi, mutema, muchena, mukobvu, mutete, ngochani,akaremara, anorwara – anofanirwa kuremekedzwa.

8 Vechidiki vane kodzero yekuzvirongera nzira dzekuti vawanerubatsiro rwakanaka pane zveutano.

• Munoti kudiniko nekodzero idzi? Pane zvimwe zvamungawedzerakana kubvisa here?

• Kodzero idzi dzinoshanda zvakaenzana here kuvakomananekuvasikana?

• Mungapa vanhu vemunzvimbo menyu zvibozwa zvingani kubvamuzana, muchitarisa kuchengetedza kwavanoita vechidiki?

• Mumwe nemumwe wenyu ngaazvipe zvibozwa zvaanofunga kutianokodzera, makatarisa kuti unoremekedza zvakadii kodzerodzevamwe vechidiki.

Zvipirei kuremekedza kodzero dzevamwe sekudomwa kwadzaitwapamusoro apa, uye zvikumikidzei kuti munotsvaka rubatsiro pesepanokangaidzwa kodzero dzenyu.

ZVOKUITA

21

Wadiwa PaulineUsanetseka – hapana chikonzero chekuti ufunge kuti hausikuzoita vana mune ramangwana. Zvinoitika kakawanda kutimusikana atevere mwedzi zvisina kufanana mumakore mashomaekutanga kwake kutevera.Vamwe vasikana vanogona kuteverakwemwedzi yakati kuti, vobva vambomira kwegore rose.Zvinofanira kuzogadzikana pashure pechinguva.

Pane zvimwe zvinhu zvine chekuita nekutevera kwako – sekutikana uri kunetseka mupfungwa, kana kuti ukaondoroka kanakufuta zvakanyanya, kana kuti ukamborwara kwenguva refu.Uye, kumusikana akamborara nemukomana, kutadza kuteverandicho chinhu chikuru chinotaridza kuti akabata pamuviri.

Taura nemurapi wepakiriniki kana vaya vanoona nezveutano,zvikuru kana ukasatangazve kutevera pashure pegore. Edzakudya kudya kunovaka muviri, uchidya zvinhu zvisina kunyanyakugaiwa, michero yakawanda, miriwo, nezvekudya zvine iron –zvakaita semiriwo ine mashizha matema, nyemba, bhinzi, lentils,mazai, huku, hove, nedzimwewo nyama, uye mhashu nemajuru.

Iwe neshamwari dzako munofanira kuwana ruzivo rwakanakarwezvekusanduka kuri kuitika mumiviri yenyu.Taurainevepakiriniki kana vaya vanoona nezveutano, vamunoziva kutivanofarira vechidiki, mugoronga navo kuita musanganopavangazopindura mibvunzo yenyu. Kana kuti tsvakai kutinzvimbo inoona nezvevechidiki (youth centre) iri pedyo nemindeipi, muzovakumbira kuti vakupei ruzivo.

Tete Stella

Kutevera kwangu hakufanani nguva dzose

• Pauline ari kunetseka nepfungwa yekuti pamwe haakwanise kuitavana. Ndezvipi zvaunotyira iwe pamuviri wako, pane zvekuraranemunhu, uye zvekuita vana? Kurukura neboka rako mugoonakuti vangakubatsira here. Kana usingadi kuti vanhu vakuzive, nyorazvinokunetsa papepa, asi usingaisi zita rako. Isai mapepa achopamwe, mosanganisa, mozobudisa rimwe rimwe muchikurukuranezvezvakanyorwa.

Kana boka risingakwanisi kubatsira, ndekupi kwaungaendakunopiwa mazano?

• Vanhu vanowana ruzivo rwezvemiviri yavo, zvekurara nemunhunezvekudanana, kubva kwakasiyana-siyana. Unowana ruzivo rwakokupi? Nyora pasi. Ungakwanisa kuona sei kuti paruzivorwaunopiwa rwacho, zvechokwadi ndezvipi, zvemanyepo ndezvipi?

• Nyora mufananidzo wekiriniki yaungati ine vashandi vanokwanisakubatsira vechidiki nyore, uchijekesa kuti sei uchiti kiriniki yachoinokwanisa kubatsira vechidiki nyore. Enzanisa mufananidzo wakonekiriniki chaiyo yaunosishanyira. Unofunga kuti kirinikiyemunzvimbo menyu inobata vechidiki zvine chiremera here?Kana zvisirizvo, iwe nevamwe vemunzvimbo menyu mungashandamose sei kuti kiriniki ibatsire vechidiki zvine chiremera?

ZVOKUITA

22

Wadiwa WinnieChikurukuru, ndinoda kuti kwauri kuva neHIV hakukuiti munhuakasiyana nevamwe, uye hapana munhu anodzika mitemo yekuti‘izvi ndizvo zvinhu zvinobvumidzwa.’ Une kodzero yekuvanezvose zvine vamwe vanhu – kupiwa rudo, kuva nemudiwa,kurara nemunhu, kuroorana uye kuita vana.Vanhu vazhinji vaneHIV vane vanhu vavanodanana navo; dzimwe nguva vadiwa vavovanenge vaine HIV, asi kwete vese.

Hazvisi nyore kutaurira Thando, asi unotofanira kuzomutaurirapane imwe nguva.Tanga wasvika pakumunzwisisa zviri nanikupinda iko zvino, usati wamutaurira. Zviri pachena kutimunofanira kutanga makurukura nezveHIV nezvemakondomumusati marara mese. Kana akaramba kushandisa makondomu,kana akaramba kuti iwe ushandise makondomu echikadzi, uyeakaramba kuti mushandise nzira dzinokudzivirirai, zvinoreva kutiwotoregera zvekurara naye. Hazvinei kuti munhu akanaka sei.

Pfungwa dzako dzakanaka dzekutya kuparadzira HIV. Ndinotidai vanhu vese vakaita sewe.Yeuka kuti, zvisinei hazvo, kunyangemudiwa wako ainewo HIV, munongofanirwa kushandisamakondomu kuitira kuti musaramba muchipanana utachiwanapese pamunosangana pabonde.

Ndinoti uve nerombo rakanaka mune ramangwana rako,zvisinei kuti wazofunga kuita zvipi.

Tete Stella

Ndomutaurira kuti ndine HIV here?

• Unobvumirana naTete Stella here? Nemhaka yei?

• MUTAMBO WEKUEDZESERA: Panodiwa vanhu vaviri.Winnie anenge achitaurira Thando kuti ane HIV.

Pasure pemutambo wacho, vatambi vanozotaurira vamwevemuboka kuti vanga vachinzwa sei pavanga vachiedzesera.Pashure , mese mozokurukura pamusoro pemibvunzo inoteveraiyi:

a Chii chazoitika kumagumo? Ndiani azofunga zvingaitwa?Zvanga zvakaomera vatambi vose vari vaviri here? Magumoemutambo akanaka here? Kana magumo asina kunaka, ndezvipizvamungaita kuti ave zviri nane?

b Muupenyu, vechidiki vazhinji vamunoziva vangapedza nyayayakadai nenzira imwe chete here?

c Zvinhu zvaisiyana here dai Thando ariye ane HIV, achifanirakutaurira Winnie? Kana zvirizvo, mutsauko ungava papi? (Itaimutambo zvekare,Thando ava iye ari kutaurira Winnie,mugoona kuti pane mutsauko here?)

d Ndevapi vanhu uye masangano vanokwanisa kubatsira vanhuvari panguva yakaita seiyi?

ZVOKUITA

Tinofanira kutauraizvozvi. Pane zvandino-

fanira kukuudza…

23

Wadiwa PhilaniShamwari dzako dziri kukupa zano rakaipa. Kunyange zvazvovamwe vachiti mbanje inovaita kuti vasununguke, vamweinovavhiringidza pfungwa, uye inovaita kuti vatye.

Ndinozvinzwisisa kuti unonzwa sewasaririra wega, usinamusikana, asi zvaungatoita zvakanaka kutaura nevasikanaseshamwari. Ushamwari hunogona kuzoguma hwava rudo.

Tanga nekungoti ‘mhoro’, uchinyemwerera, uye kutaurazvaungangoona zvinoita, zvechikoro kana zvemamiriro ekunze –kana zvimwewo zvazvo. Chinodikwa chete kubvunza mumwemunhu nezveupenyu hwake, uye kuva une chido chezveupenyuhwake nematambudziko ake.Vasikana vanoyemura izvi kukundamukomana anoedza kushamisira.

Uye yeuka kuti hapana vanhu vakamirira kuona uchiita zvinhuzveupenzi. Ivo vari kutonetsekawo nenhamo yekutya kutivasaite zvinhu zvisina musoro.

Haungapedzi nhamo dzako nekushandisa zvinodhaka zvakaitasembanje nedoro.Vanhu vazhinji vanoita zvinhu zvakaipa kanavakadhakwa, zvichikonzera matambudziko mumhuri,kushamwari nekubasa. Zvakare, kuputa mbanje imhosva, uyekunogona kukupinza mumatambudziko.

Haudi zvinodhaka kuti ugofarirwa nevamwe, uye kuti uwanezvivindi zvekuita chimwe chinhu. Kune dzimwe nzira dziri nanidzaungapedza nadzo kunyara kwako. Uve nerombo rakanaka.

Tete Stella

Mbanje ingapedza kunyara kwangu here?

• Nyora pasi zvinhu zvese zvinodhaka zvaunoziva, uye zvazvinoitakuvanhu vese vanozvishandisa. Ndezvipi zvinodhaka zvinotiukange wazvitanga zvinogona kuita kuti usazokwanisakuzviregera?

• Tarisa zvikonzero zvinotevera zvinoita kuti vechidiki vashandisezvinodhaka. Kurukurai kuti ndezvipi zvacho zvine chekuitaneupenyu hwenyu nehweshamwari dzenyu. Zvirongeizvichitevedza kukosha kwazvo, muchitevedza kubva pana-1kusvika 5, muchitanga nechikonzero chinonyanya kuwanikwa.

Vechidiki vanoshandisa zvinodhaka nekuti:– shamwari dzavo dzinege dzichizviita– vanenge vachida kuhwanda zvinhu zvinovanetsa muupenyu

hwavo– vanoda kusatarisana nechokwadi chemamiriro kana mafungiro

avo– vanofunga kuti zvinovapa zvivindi– vanenge vasina zvimwe zvinovanakidza.

• Pashure pekukurukura nezvezvikonzero izvi, tarisisai kuti mungavapanjodzi yekutanga kushandisa zvinodhaka here. Imi neshamwaridzenyu mungabatsirane sei kuti musashandise zvinhu zvinodhaka?Ndiani mumwe angakwanisa kukubatsirai?

• MUTAMBO WEKUEDZESERA: Panodikwa mukomananemusikana. Mukomana anenge achinyara anosvika pamusikanaotanga kutaura naye. Pasure penguva, sandurai mamiriro ezvinhu,musikana ari iye anotanga kutaura.

Chiitai hurukuro, muchitarisa:a zvamanga muchinzwa pakuedza kutanga kutaudzana, uye

pakuva munhu wawanga uchiedzesera?b zvamadzidza nezvekurwisa kunyara, uye zvekutangisa

ushamwari?

ZVOKUITA

24

Wadiwa DavidHausi wega.Vechidiki vazhinji havakwanisi kutaudzana nevaberekivavo, zvikuru pazvinhu zvemuupenyu hwavo zvakaita sezvekuraranezvekudanana nemunhu.Vabereki vanoda nguva yekujairirananewe nekuti wava kusanduka kuva munhu mutsva, uye vanodanguva yekukunzwisisa nekuva nechivimbo newe paunengeuchibvunza, uchidzidza, uchikura.

Edza kunzwisisa kuti vabereki vako vanokuda, vanonetsekanezveupenyu hwako, uye vanoda kuti ukure wakachengetedzeka,uine rufaro, uchibudirira muupenyu.Vanorangarira, kubva kuudikihwavo, miedzo nenjodzi zvawakatarisana nazvo, uye kuti zvirinyore sei kukanganisa. Upenyu hwava kunyanya kutyisa kupindapanguva yavo, zvikuru nekuvapo kweAIDS. Ndiko kusaka vachigaravachingotaura zvinhu zvausingafaniri kuita.Yeuka kuti kazhinjivanenge vaine mazano akanyatsonaka avanokupa.

Unokwanisa kugadzirisa ukama hwako navo. Chekutanga, vataridzekuti vanokwanisa kuvimba newe.Tevedzera mitemo yavo. Kanauchifunga kuti havasi kukuitira zvakanaka, taura navo nezvazvo.Uye teerera kana vachikupa mazano. Chechipiri, vabvunzewo kutivanoona sei matambudziko echokwadi aunenge uinawo.Vataurirewo zvinhu zvaunotarisira muupenyu, kuti vagokunzwisisazvauri. Chekupedzisira, nguva dzose taura navo wakatsiga hana,zvine ruremekedzo, usingatsamwi kana kutsvinya. Ukaona wavakuda kushatirwa, kumbira kuti muzotaurirana pane imwewonguva, hasha dzaserera.

Ramba uchiedza – zvakakosha zvikuru kuti ushingirire. Uye kanaizvi zvikaramba kushanda, taura nemudzidzisi kana sahwirawemhuri yenyu.

Tete Stella

Vabereki vangu vanonetsa

• Nyora pasi zvinhu zvaunoyemura pamusoro pako – sekutikunyemwerera kunoyevedza kwaunoita, unyanzvi hwako hwekuitazvimwe zvinhu, kana kusimba kweunhu hwako. Zvinhu izviwakazviwana kana kuzvidzidzira kupi? Zvingava zvakabva kumhuriyako here?

Mibvunzo iyi inoita kuti unzwe sei pamusoro pekubatsira kunoitamhuri yako kuumba mafungiro nemaonero ako muupenyu?

• MUTAMBO WEKUYEDZESERA: Muri vaviri vaviri, tsvakaipanonyanya kupesana vabereki nevanhu vechidiki kuti ndepapi.Pananai zvijanha zvekutevedzera vabereki vari kuita nharonemwana, mozotaurira vamwe veboka kuti manga muchinzwa seipamanga muchiita mutambo wacho.

• Mumapoka menyu, fungai kuti zvingadai zvakadini dai vaberekinevamwe vakuru vasingapi mazano kuvana nekuvanhu vechidiki.Ingadai panyika pakadini? Pirai vamwe pfungwa dzenyumuchishandisa mifananidzo, mitambo, dzimbo kana nhetembo.

• Ronga kuti utaure nemumwe wevabereki vako, kana vose,pamusoro pechimwe chinhu chinokunetsa. Gadzirira mataurireauchazoita, uye yeuka zvakataurwa naTete Stella pamusoropekutaura wakatsiga hana, kunzwisisawo vabereki vako, uyekuvaremekedza.

ZVOKUITA

25

Wadiwa LeroyKurara nemunhu zvinoreva kuti mumwe nemumwe wenyu murivaviri ane chekuita nemumwe. Haufaniri kumbofa wakaisamudiwa wako munjodzi, saka zvakakosha kuti utaurire mudiwawako kuti ugomuchengetedza kunjodzi yeurwere hunogonakuuya hwakaoma, huine njodzi. Uyewo, kana aine njovhera,akasarapwa, anokwanisa kuzokupawo njovhera yacho zvakare.

Zvirwere zvenjovhera zvakasiyana-siyana, uye zviratidzozvenjovhera zhinji hazvisi nyore kuona.Vakadzi pavanobatanjovhera, kazhinji vanogara kwenguva refu vasina zviratidzo.

Nekudaro, ona kuti mose muri vaviri marapwa. Kumbira murapikuti akupe tsamba inozivisa kuti munhu ane njovhera, (uyetsamba yemukadzi akakupa njovhera wacho kana uchikwanisakuzomupa). Musikana wako achazoenda netsamba yachokukiriniki, onorapwa sekurapwa kwaunoitwa iwe, pasinaanomubvunza mibvunzo. Musashandisa mishonga yemunhumumwe chete muri vaviri, uye pedza mushonga wawakapiwakunyange zviratidzo zvenjovhera zvapera.

Iwe nemusikana wako munofanira kutaurirana nezvekushandisamakondomu pese pamunorara mose. Ndiyo nzira cheteyekudzivirira njovhera. Ramba uine mudiwa mumwe chete, uye,sezvo wakamborara nemunhu usina kuzvidzivirira, funganezvokunoongororwa HIV.

Pane zverudo rwenyu – tauriranai pachena zvamunotarisirakubva kune mumwe. Chokwadi nechivimbo zvinhu zvakakoshapaukama hune mufaro. Muve nerombo rakanaka mose murivaviri.

Tete Stella

Ndomutaurira nezvenjovhera yandinayo here?

• MUTAMBO WEKUYEDZESERA: Panodikwa mukomananemusikana. Leroy afunga zvekutaurira musikana wake kuti anenjovhera. Chii chinoitika? Makatarisa zvose zvamava kuziva, daiwaiva Leroy, waitaurira mudiwa wako kana kuti vadiwa vako kutiune njovhera here?

• BASA ROKUITA: Gadzira chionwa chinotaridza nzvimbo(map) dzose dzaunoziva kunogona kutorwa makondomunevechidiki munzvimbo menyu. Ipa mhinduro kumibvunzoinotevera, wakatarisa nzvimbo yega yega:

a Makondomu acho anopiwa pachena here kana kutianobhadharwa?

b Unofanirwa kuva wezera ripi kuti ugokwanisa kuapiwa?c Vasikana vanoapiwawo here?d Makondomu evakadzi anowanikwa here?e Varapi vacho vanobata vechidiki zvine chiremera here?

Ipa nzvimbo yega yega zvibozwa zviri pakati pe-1 ne-10, zvichibvanemhinduro yawapa panzvimbo yacho.

Kana chionwa chako chichitaridza kuti vechidiki vemunzvimbomenyu havakwanisi kuwana makondomu pachena, zviri nyore,ndezvipi zvamungaita kupagadzirisa apa? Ndevapi masangano kanavanhu vangabatsira?

• Tarisa makadhi 7 ne-13 ayo ane rumwe ruzivo rwezvenjovhera.

ZVOKUITA

26

Wadiwa CharityKuwanikwa uine HIV muropa mako hazvirevi kutiwatotongerwa rufu. Pane nzira dzakawanda dzekuzvidzivirirakuti usarware. Chekutanga, unofanira kuzvichengeta zvakanaka– uchidya zvekudya zvisina kugadzirwa nenzira yekuti zvinosarazviine zvinhu zvinovaka miviri zvishoma (hazvidhuri), uchirarazvakakwana nekuswatanudza nhengo dzemuviri wako;usashandisa zvinhu zvakaita seshuga nedoro; rapwa nekukasikazvirwere zvese zvinenge zvakubata; uye shandisa kondomunguva dzose paunorara nemunhu. Nzira yakakoshayekuchengetedza utano hwako ndeyekugara uine tariro, uyekuva wakazvipira kurarama upenyu hwakanaka.

Edza kutsvaka mumwe wevaya vanopa mazano nezveHIV uyeboka revanhu vane HIV vanopana rutsigiro, kuti vakuperubatsiro – bvunza kuya kwawakaongororwa utachiwana kanakunzvimbo kana kusangano rinoshanda nezveHIV munzvimbomenyu.Vanokwanisawo kukubatsira kutaura naamainini vakokana uchinge wafunga kudaro.

Vanhu vazhinji vanotya AIDS.Vanotya kufa, kuva vega, kusiiwaneshamwari, uye kusabatwa zvakanaka. Kusangana navamwevane HIV kunobatsira kubvisa kutya uku.Vanhu vakawanda vavanemakore vaine HIV, uye vane utano hwakanaka, varivakabudirira muupenyu; vazhinji vane vadiwa uye vamwevanosarudza kuita vana. Nemazano uye nekutungamirirwazvakanaka, unokwanisa kuzviitawo.Vamwe vanhu vanokwanisakukupa tariro, uye nhoroondo dzavo dzinokusimbisa. Zvekare,unokwanisawo kubatsira vamwe.

Tete Stella

Ndine HIV. Ndichafa here?

• Taura nevanhu vasinganetseki kutaura zvekuva kwavo neHIV kanaAIDS.Vakumbire vakuudze zvose zvinovabatsira kuti vararameupenyu hune utano netariro. Munhu wese anoda ruzivo urwu –shanda nemasangano kana mapoka evechidiki, uchitauriravechidiki vakawanda.

• Ita tsvakurudzo yezvemafungiro evanhu. Kwesvondo rose, teererazvinotaura vanhu pamusoro pevanhu vane HIV neAIDS. Ipa ruzivorwechokwadi, uye pikisa zvine chiremera zvese zvinotaurwazvinenge zviri padivi.Tauriranai mumapoka menyu kutimakadzidza chii.

• Funga nezveimwe nguva yawainzwa kusurikirwa uye kunzwakunge uri wega wega, asi ukakwanisa kupedza pfungwa idzi.Ndezvipi zvakakubatsira? Taurira boka rako. Pashure ongororaikuti ndedzipi pfungwa dzako dzingagonawo kubatsira vanhu vaneHIV neAIDS.

• Ona makadhi 19, 22, ne40 ane mimwe mibvunzo inobva kuvanhuvane HIV.

ZVOKUITA

27

Wadiwa NyaradzoNdine urombo kuti uri mudambudziko rakaoma kudai. Zviripondezvekuti unokwanisa kubata pamuviri panguva yako yekutangakurara nemunhu. Unofanira kunoongororwa kuti uve nechokwadi kutizvakamira sei. Unogona kuongororwa kukiriniki kana kuti unogonakutenga zvekuzviongororesa wega zvinowanikwa kuya kunotengeswamishonga.

Kana uine pamuviri, taura nemukomana wako uye nemumwe munhuari pedyo newe. Ndapota, usazvikuvadza iwe kana mwana wako. Zvirinani kutaura nevanhu vanokwanisa kukubatsira kusarudza nziradzinokodzera dzekuchengeta mwana wacho. Hazvisi nyore, asindinovimba kuti mhuri neshamwari vachakubatsira.

Piritsi raunokwanisa kunwa kudzivirira kubata pamuviri pashurepekurara nemunhu rinonzi pachiRungu ‘morning after pill’. Piritsi irimasanganiswa emapiritsi ekudzivirira pamuviri, uye rinowanikwakumakiriniki nekuzvitoro zvinotengesa mishonga. Rinodzivirira kubatapamuviri, ndokunge chete ranwiwa kusati kwapfuura mazuva matatuwarara nemurume.

Kana usina kubata pamuviri, une rombo rakanaka.Vakomanavanokumanikidzira zvakasimba kuti murare mose, asi sezvawazoona,zvepabonde izvi hazvisi zvekutamba nazvo kana usingafariri kuzviita.

Kana uchiri kuda kuramba uchidanana nemukomana wako, asimusingacharari mose, taura naye. Ivai nenguva dzamunopedza murimose, asi kwete muri mega, uye musanwa kana kuputa zvinodhaka.Zvinodhaka zvinoita kuti zvinetse kuchengetedza zvawakatsidza kuita.

Chekupedzisira, ndinoti mira kusvika wati kurei, wava kuziva zvaunodamuupenyu, usati warara nevarume – vanhu vazhinji vanosarudzakumira kusvika varoorana. Izvi zviri kwauri, asi chero zvawasarudza,kana wava kurara nemunhu, iva wakazvichengetedza nekushandisamakondomu echirume kana echikadzi.

Tete Stella

Ndingava ndine pamuviri here?

• MUTAMBO WEKUTEVEDZERA: Muri vaviri vaviri(mukomana nemusikana), tevedzerai mukomana anonyengamusikana, iye musikana wacho obva angoti ane makondomu uyeanokwanisa kubatsira mukomana kuapfeka. Ndezvipi zvinoitika?

Itai mutambo wacho zvekare, asi makasandura muchiti mukomanaoita zvanga zvichimboitwa nemusikana. Zvakafanana here?

Pashure, kurukurai kuti sei vasikana nevakomana vava kuitazvekurara nevanhu pabonde vachifanirwa kufamba vainemakondomu.

MIBVUNZO: Kondomu revakadziPazvirevo zvinotevera, ndezvipi ZVECHOKWADI uye ndezvipi ZVEMANYEPO? Tarisa mhinduro dziri pazasi pepeji ino.1 Makondomu evakadzi anodzivirira varume nevakadzi kubata

pamuviri, njovhera neHIV.2 Makondomu evakadzi anodhura kupinda evarume.3 Kondomu revakadzi rinokwanisa kuita ruzha parinenge

richishandiswa. Kuti risaita ruzha, mukadzi anoripinza munhengoyake yekubereka pachine nguva refu asati arara nemurume.

4 Kana muchishandisa kondomu rechikadzi, zviri nane kuzoramafuta aya anobatsira kutsvedzerera kwenhengo dzekuberekapanosangana vanhu pabonde.

• Nyora rumbo kana sirogani inokurudzira vechidiki kuti vamire kuitazvepabonde kusvika vati kurei, uye kuti varambe vaine mudiwamumwe chete. Imba rumbo rwacho kana kuti taridza vamwe mazwiako, mugozobvumirana kuti ndeapi mazwi akanaka kupinda mamwe.

• Onai kadhi 32 rine rumwe ruzivo rwezvamungaita kana pachingepaita pamuviri pamusingadi.

ZVOKUITAMHINDURO:Zvirevo zvese izvi ndezvechokwadi.

28

Wadiwa FaraiNdine urombo kuti musikana wako ari mudambudziko gururakadaro, asi ndinofara kuti wakazvipira kumutsigira.

Zveroora zvinoshanda zvakanaka kana kuchitevedzwa gwararakarurama, kwete kana mhuri dzichitungamidza mari pamberi.Kumanikidzira mukadzi kuroorwa iye asingadi kukanganisakodzero dzake.

Taura naSusie unzwe kuti anoda kuti umubatsire sei. Muri vavirimunokwanisa kuchizoshanda pamwe kuwana nzira yekupedzadambudziko iri.

Pamwe iwe naSusie munokwanisa kutaura nedzimwe hamadzake kuti ndezvipi zvakanakira Susie. Kana vakazvinzwisisa,vanokwanisa kuzomutsigira pahurukuro dzavangaita nevaberekivake.

Kana pasina chabuda, Susie anogona kunoona sangano rinoonanezvamadzimai, kuti vamupe rubatsiro.Asi izvi zvinogonakuzokonzera kuti adimure ukama hwake nevamwe vemumhurimake. Zvinoda kuti Susie atange anyatsofunga, nekuti chinhuchikuru ichi, saka edza kumutsigira uye usamuwedzerakuremerwa nepfungwa.

Nyaya iyi yakaoma, asi ndinovimba kuti muchawana rubatsirokubva kune mumwe munhu wemumhuri memusikana wako,kana kubva kune mumwe munhu wemunzvimbo menyu.

Tete Stella

Musikana wangu ava kuroorwa

• Musvondo riri kutevera, taura nevanhu gumi, vakuru nevadiki,uchivabvunza kuti vabereki vane kodzero here yekusarudza kutimwanakomana wavo acharoora ani kana kuti mwanasikana wavoacharoorwa nani. Dzokai pamwe chete mozokurukuranezvezvamakawana.

• Funga mimwe mienzaniso yepanosiyana pfungwa dzevakurunedzevechidiki panyaya yekuti zvinhu zvinofanira kuitwa nenziraipi. Mungakwanisa sei kuwana mukana wekukurukura kusiyanakwepfungwa uku, muchinzwisisana maonero enyu, uyemuchizowana nzira dzekugadzirisa matambudziko acho aripo?

• Rongai nguva iyo yamunomboshandisa makadhi ano aTete Stellamuine boka rakasangana vechidiki nevanhu vakuru. Kumbiraivechikuru vacho kuti vaite hurukuro dzezviri pane“Zvokutaurirana” nepane“Zvokuita”. Pashure, tauriranainezvemaonero amunoitawo imi. Maonero acho akasiyana here?Izvi zvabatsira kuti paite kusanzwisisana kushoma pakatipevechidiki nevakuru here?

ZVOKUITA

29

Wadiwa CynthiaNdizvo chaizvo. Ndinonzwa manyawi nekuda kwakoneshamwari dzako. Zvinoda zvivindi kuita zvinhu zvaunonzwamuhana mako kuti ndizvo zvakanaka. Zvisinei, ndava nenyayadzakadai zhinji dzandanzwa.

Yeuka kuti kunyange chinangwa chenyu chiri chekubatsiraLoveness, muri kuedza kusandura mafambisiro anoita chikorochenyu nyaya dzevadzidzisi vanokanganisa kodzero dzevanavechikoro. Hazvisi nyore.

Edzai kutsvaka vanhu vakawanda, sekukwanisa kwenyu,vanokutsigirai uye vanonyora mazita avo pagwaro renyunyuto –vana vechikoro, vadzidzisi, vabereki, vanhu vechidikinevemasangano anoona nezvemadzimai, nevamwewovemunzvimbo menyu, uye zvikuru vaya vanoremekedzwa,vanoteererwa (vakaita sevatungamiri venzvimbo, vakuruvezvematongerwo enyika, nevaridzi vemabhizimisi). Nyoraitsamba kumapepanhau emudunhu menyu nekune emunyikamose kuitira kuti vamwe vanhu nemasangano vazive zvamurikuita.Vanhu vanokutsigirai vakange vakawanda, mukana wekutivatungamiri vechikoro vateerere unokura.

Chimwe chinhu – musazvidya moyo kana mukasabudirirapachinhano chino. Kazhinji, zvinhu zvinotora nguva kutizvisanduke. Musaona semakurirwa kana mukasabudirira ikozvino. Chinhu chese chaitwa chinoedza kusandura zvinhuzvakaipa, nyangwe chiri chidoko sei, chinotova budiriro.

Tete Stella

Mudzidzisi akaitisa shamwari yangu pamuviri

• Unofungei nemhinduro yatete Stella? Unobvumirana nezvavataurahere?

• Pane matambudziko amunawo pachikoro penyu, musanganorenyu, kana munzvimbo mamunogara amunoda kusandura here?Shandai muri pamwe kuronga zano. Bvumiranai zvamunodakusandura uye kuti ndivana ani vangakupai rubatsiro. Itaimusangano, muronge mafambisire amuchaita basa racho seizvizviri pazasi:

ZVOKUITA

Dambudziko Zvatinodakuti zviitwe

Nziradzekute-vedza

Zvinhuzvekusha-ndisa

Ndevapivachaitazvipi?

Nguva ichatorwa

Dambudzikorachonderipi?

Ndezvipizvatinoda kutizviitwekusandurazviripo?

Ndezvipizvatingaitekuti tikwanisekusandurazviripo?Semuenzaniso: kuitamisangano,kutauranevanhuvanogonakubatsira,kunyoratsambayekunyunyuta.

Ndezvipizvatinodakuzosha-ndisa?(zvakaitasemari, vanhuvachaita basa,nezvimwezvinhuzvakasiyana-siyana)

Mubokamedu, ndeupiachatungamira basa ripi?Semuenzaniso: Fadzaiacharongamisangano,Jeffachagadzirazviratidzwa,Lindaachabatsirakuturikazviratidzwapamadziro.

Uwanduhwemazuvaatinofanirakuva tapedzabasa regaregasekubvumirana kwedu, uyemazuvaatinoda kutizvinhuzvakati zviitike.

30

Wadiwa JosephineKuroora kana kuroorwa uchiri mudiki kazhinji kunounzamatambudziko, nekuti vechidiki vanenge vachiri pakatipekusanduka uye vanenge vasati vava kunyatsoziva zvavanodamuupenyu.Asi unofanira kuziva kuti vakadzi vechidiki vazhinjimazuvano vava kuramba, kunge iwe, kurara nevarume vavovasingashandisi makondomu.Vakadzi vazhinji vava kupikisakusavimbika kwevarume vavo, uye vava kuramba kutapurirwaHIV nevarume vavo vakatarisa.

Wakashinga kuomesera Thulani kuti uzvidzivirire, zvikuruzvaune mwana mudiki aunofanira kufungawo nezvake. Imwenzira iripo ndeyekuti ushandise kondomu revakadzi.Asihaungarambi uchidaro kusvika nekusingaperi. Mose muri vavirimunofanira kunoongororwa HIV.Taura naThulani nezvazvozvekare. Nzwisisawo zvaanotya. Pane mumwe munhu hereangakwanisa kumukurudzira? Kana pasina, enda kuyakunoongororwa HIV unokumbira mazano.

Kana Thulani akaramba achiramba, wava kutofanira kufungazvokuita zvakadzama – kuti ndezvipi zvakakosha kwauri uyekuti woita zvipi.Taurira murume wako zvauri kufunga uye onakuti achiri kuda kuchengetedza muchato wenyu here. Kanamuri kugara mose, uyu mukana wakanaka wekutauriranazvinotarisira mumwe nemumwe wenyu pamuchato wenyu.Mhuri yenyu kana vaya vanopa mazano kuvakaroorana,vanogona kukubatsirai.

Muve nerombo rakanaka mose muri vaviri.

Tete Stella

Murume wangu haana kuvimbika

• MUTAMBO WEKUTEVEDZERA: Muri vaviri vaviri,tevedzerai kuva murume nemukadzi (kunyange mose murivakomana kana vasikana). Itai hurukuro, mukadzi achida kutimurume ashandise kondomu, kana kuti achida kuti anoongororwaHIV.

Pashure penguva, taurirai vamwe vemuboka menyu kuti chiichaitika. ‘Vakadzi’ vacho ne‘varume’ vacho vanga vachinzwa seipamoyo? Chii chamadzidza pahurukuro dzacho?

• Ndezvipi zviri nyore kuti musikana akumbire mukomana wakekuti ashandise kondomu, kana kuti mukadzi akumbire murumewake aakaroorana naye kuti ashandise kondomu? Kana kutizvakangofanana? Kana zvakasiyana, sei zvichidaro?

• Mumapoka enyu, itai mifananidzo yemurume nemukadzi varikufara vose. Pamufananidzo wacho, nyorai kana kuti isaimifananidzo yezvinhu zvese zvinoita kuti pave neupenyuhwakanaka pavanhu vakaroorana.Taridzai mifananidzo yenyu kunevemamwe mapoka. Mese mabudisa pfungwa dzakafanana here?

ZVOKUITA

31

Wadiwa SipiweNdine hurombo kuti kusuruvara chinhu chinongowanikwamuupenyu hwemunhu wese.Vechidiki vazhinji vane upenyuhwakaoma nekuda kweurombo uye kuvhiringidzwa. Chero vayavane upenyu hwakanaka vanogonawo kunzwa kusurikirwa.

Uri pazera remakore ari pakati pegumi nematatu negumi nemasere,muviri wako unenge uri kupfuura nemuzvinhano zvikuruzvekusanduka, zvinova zvinogona kuita kuti usanduke kubvamukufara kuenda mukusuwa, uchizodzokera mukufara zvakare –zvichiitika munguva pfupi pfupi. Pamwe dzimwe dzeshamwari dzakodziri kunzwawo zvauri kunzwa – vaudze nezvedambudziko rako,vachazozviwana zviri nyore kutaura newe vakasununguka.

Vamwe vasikana nevakadzi vanonzwa kusuruvara mumazuvaavanenge vava pedyo nekutevera mwedzi. Bvunza vanoonanezveutano kana mumwe mukadzi mukuru kuti ndezvipizvingabatsira.

Pane zvimwe zvinhu zvaunogona kuita kuzvibatsira pakusuruvara.Edza kusanyepedzera. Zviri nani kuwana waunotaurira zvaurikunzwa – taura neshamwari kana vamwe vemumhuri mako. Kuitamitambo inoswatanudza nekusimbisa nyama dzemuviri, nguvanenguva, kunobatsirawo. Rara kwenguva yakareba zvakanaka, uyeidya zvekudya zvine utano. Edza kuzorora, uye ita zvinhuzvaunofarira zvakaita sekuimba kana kuverenga. Uye chema kanauchinzwa kuda kuchema – zvinogona kuita kuti unzwe zviri nane.

Kana zvese izvi zvikaramba kushanda, wava kutoda kuonekwanavanachiremba kana kuti navaya vanobatsira nemazano.

Uve nerombo rakanaka.Wataridza kuti wakashinga nekukumbirarubatsiro; ndine chokwadi kuti uchashinga kurwisa kusuruvara uku.

Tete Stella

Ndinongosuruvara pasina chikonzero

• Pakati pepepa guru, nyora mufananidzo wemunhu akasuruvara.Uchipoteredza munhu wacho, nyora mifananidzo yezvinhuzvingamubatsira kuti anzwe zviri nane. Isa zvinhu zvinonyanyakubatsira pedyo naye, zvimwe zvacho woisa nechekure naye.

• Taurira vamwe vemuboka rako nezvepawakambonzwakusuruvara, kuvhiringidzika mupfungwa kana kusagadzikana,mumazuva achangopfuura.Taura kana paive nezvakakonzera izvi,uye kuti zvakazopera sei.

• Bvumiranai zuva nenguva dzamuchataurirana pasvondo rega regakuti mazuva enyu apfuura anga akadini – uye rongai kutimungabatsirana sei uye kuti ndekupi kumwe kwamungawanarubatsiro. (Kana manga magara muchisangana pasure penguvanenguva, tangai musangano wenyu nechidzidzo chino.)

• Kana uchiita mitambo yekuswatanudza nekusimbisa muvirikasingapfuuri katatu pasvondo, ronga neshamwari dzako kutimuite chimwe chinhu chinokunakidzai chinosimbisa miviri –chakaita sekufamba kana kumhanya.

• Kubatsira vamwe vanhu ndeimwe nzira inogona kubatsira kutiunzwe zviri nane. Funga mabasa maviri aunoda kuita ekubatsiravamwe (sekuti kubatsira vamwe vekusvondo kwako kanakubatsira vana vadiki pabasa ravo rekuchikoro). Nyatsa kurongamafambisiro auchaita mabasa acho. Pashure, kurukurai nevamwekuti zvakaita kuti munzwe sei.

ZVOKUITA

32

Wadiwa PriscillaNdine urombo kuti izvi zvakaiitika.Asi hausi wega, sakausazvikuvadza iwe kana mwana wacho.Taura nemumwewaunovimba naye mumhuri menyu kana munzvimbo maunogara.Munhu iyeye anogona kuzokubatsira kutaurira vabereki vako.Vabereki vako pamwe vanorohwa nehana kana kushatirwapekutanga, asi kazhinji vabereki vanozokubatsira pashure.

Izvi ndozvaunokwanisa kuita:

– Chengeta mwana wako, uchitsigirwa nemhuri yako, uye,ndinovimba, nemukomana wako. Unogona kuzoendereramberi nechikoro mwana ati kurei. Kana kuti mumwewemumhuri mako angakwanisa kukurerera mwana iweuchienderera mberi nechikoro.

– Ipa mwana wacho kune vaya vanoronga kuti vana vatorwevachinochengetwa nedzimwe mhuri, vachibva vatoita vanavemumhuri macho.Apa, mumwe munhu anenge aine chidochaicho chekuva nemwana anowana rufaro kuchengeta mwanawako. Pane masangano anogona kukubatsira kuronga izvi.

Ndapota, Priscilla, usabvisa pamuviri zvisiri pamutemo. ZVINENGOZI HURU uye zvinogona kukonzera kuti usazoita vana kanakuti ufe. Usamboisa hako kana chinhu munhengo yakoyekubereka, kana kurega mumwe munhu achizviita. Zvakare,usambofunga nezvekurasa mwana wako; zviri kunze kwemutemo,uye zvinoita kuti uzoshushikana, nekuzosuwa.

Funga zvakadzama izvo unoda kuita. Ndinovimba kuti uchawanarutsigiro rwaunoda. Uve nerombo rakanaka.

Tete Stella

Handidi mwana uyu

• MuZimbabwe, kubvisa pamuviri kunongobvumidzwa chete kanamukadzi achinge abatwa chibharo, kana kuti mukadzi wacho kanamwana wacho ari munhumbu ari panjodzi. Nzira inotevedzwakuti upiwe mvumo yekubvisa pamuviri zviri pamutemo irefu uyeinonetsa. Mune dzimwe nyika, sekuSouth Africa, vakadzi vanogonakubvisa pamuviri zviri pamutemo kana pamuviri pacho pasatipasvitsa masvondo gumi nemaviri. Unofungei pamusoro peizvi?

Rongai kuita gakava pamusoro iwoyu.

• MUTAMBO WEKUEDZESERA: Vanhu vatatu vemubokavanoedzesera munhu ari kubatsira Priscilla kuudza vabereki vakenezvepamuviri paainapo.Vamwe vanenge vachiona mutambo uyuvanokwanisa kuumisa, vopindawo mumutambo macho, vachitorachinzvimbo chemumwe mutambi, vachisandura mafambire anoitanyaya yacho. Pashure, kurukurai kuti ndezvipi zvabuda zvinogonakunyatsoitika muupenyu, uye kuti ndezvipi zvinganyatsobatsiraPriscilla.

• Ndeapi masangano kana mapoka aunoziva – emunzvimbo makokana ekumwewo – anopa rubatsiro nemazano kuvasikana vakaitasaPriscilla vane pamuviri pavasingadi? Tsvaka ruzivo rwakawandanezvawo.

• Pamasangano aya, pane ari kuedza kuti kubvisa pamuvirikubvumidzwe pamutemo wenyika here? Vakumbirei kutivazotaura nemi nezvebasa ravanoita.

ZVOKUITA

33

Wadiwa MunyaradziPfungwa yako yekuda kuzvidzivirira iwe nemusikana wakokubata pamuviri pamusingadi, uye kutapura HIV neAIDS,inoyemurika. Zvitendero zvizhinji zvinokurudzira kuti vanhuvasaita zvepabonde kusvika varoorana, uye haakurudzirikushandisa makondomu.Asi vanhu vari muzvitendero zvose vavakusanduka pamaonero avo; vava kubvuma kuti zviri nanikushandisa makondomu kudzivirira HIV.Vamwe vanoti kuitazvepabonde vanhu vasina kuroorana chingangova chitadzo, asikurara nemunhu usina kondomu – uchiisa upenyu hwemudiwawako munjodzi – chitadzowo zvakare nekuti hazvipindiraninemutemo waMwari wekuti ‘Usauraya’.

Kana iwe nemusikana wako mukafunga zvekurara mose, tangaimafungisisa kunaka nekuipa kwekushandisa makondomu.Kukosha kwemakondomu pane zveutano kuri pachena, asimunofanira kufunga nezvemaonero anoita chitendero chenyu.

Pamubvunzo wako wakati pfavei: Makondomu haana maburi uyeHIV haikwanisi kupinda nemaari.Anokwanisa kuvhomoka kanakutsemuka panenge pachisangana vanhu pabonde, ndiko kusakaachinzi haadzivirire zvizere.Asi kana chete uchiashandisanemazvo, uye nguva dzose, makondomu ndiyo nzira yegayakanakisisa yatinoziva yekudzivirira kutapurirana HIV – kunzechete kwenzira yekuregera zvachose kurara nemunhu uye kuvawakavimbika kumudiwa mumwe asina HIV upenyu hwese,dzinova nzira dzinokuchengetedza zvachose. Kana wakamboraranemunhu usina kondomu, funga zvekunoongororwa HIV, usatiwatanga kurara nemusikana wako.

Tete Stella

Svondo yangu inoti makondomu akaipa

• Muna Kurume 2004, Bishopi Kevin Dowling vekusvondoyeCatholic yekuRustenburg, kuSouth Africa, vakati:

‘Kuregera zvepabonde vanhu vasati varoorana, uye kudanananemudiwa mumwe akavimbika, makaroorana – zviri pachena kuti izvindiwo musimboti weupenyu hwakanaka, uye wekudzivirira kubatautachiwona.Asi svondo inoita basa rayo munyika ine vanhu chaivo,saka svondo inofanira kupa vanhu mukana wekusarudza zvesezviripo, chimwe chacho chinova kushandisa makondomu, kwetesenzira yekudzivirira pamuviri, asi senzira yekudzivirira kutapuriranautachiwona hunouraya.’

Munobvumirana nepfungwa idzi here? Neiko muchidaro?

• Itai gakava pamusoro uyu:

‘Unogona kuva muchitendero asi uine pfungwa dzakodzakasiyana pamusoro pezvinhu zvine chekuita neupenyu hwakoneukama hwako nevamwe vanhu.’

• Taura nevanhu vanoshanda nemasangano ezvitendero anoshandanemhuri uye nevanhu vane upenyu hwakakanganiswa neHIVneAIDS – vanofungei nezvekushandiswa kwemakondomu?

• Munzvimbo maunogara mune boka rinosangana vechidikivezvitendero zvakasiyana (kana vechitendero chimwe chete)vachikwanisa kukurukura nekupana mazano pamusoro pezvinhuzvinorema zvavanosangana nazvo muupenyu here? Kana pasina,mungaronga boka rakadaro sei? Uye mungashanda pamwenenzira ipi kuti mubatsire vanhu vemunzvimbo mamunogara?

ZVOKUITA

34

Wadiwa AliceHapana chakaipa nekuva ngochani.Vanhu vanoti ungochanihauenderani nechivanhu kana chitendero chavo havanzwisisi.Usanyara.

Danho rekutanga raungatora nderekutambira zvauri.Tauranemumwe munhu angakubatsira kuti uve unovimba nezvauri.Hausi wega. Ngochani vanhu vanowanikwa muvanhu vese, pasirose. Kana uchivanza zviri mumoyo mako nekuti unenge uchityakusekwa nevanhu, pamwe vamwe vanoitawo zvimwe chete.

Saka danho rechipiri nderekutsvaka vamwe vanhu ngochani.Hazvina kuoma: bvunza, teerera, verenga mapepanhaunemamwe magwaro. Madhorobha makuru mazhinji anemasangano engochani.Taura navo. Uchanzwa zvakanakaukasangana nevanhu vanonzwa zvimwe chete nezvauri kunzwa.

Zvekare, ngochani zhinji dzinozozviona kuti hama neshamwaridzavo hadzivarasi. Kazhinji kana vanhu vari vega, pasina ruzhinji,vanonzwisisa uye vanotambira chokwadi.Yeuka, kana uchitauriravanhu chinhu chakaita seichi, mira kusvikira vasununguka, uyenyatsogadzirira zvauchazotaura, kuitira kuti uve unozotaurawakatsiga.Vamwe vatungamiriri vekusvondo vanonzwisisazviripo kupinda vako.Vanoti kana Mwari akasika ngochani,svondo inofanira kuvatambira. Saka usanyanya kuzvidya moyo.

Uve nerombo rakanaka pakutsvaka kwako mudiwa.

Tete Stella

Ndiri ngochani – pane angandidawo here?

• MHINDURO KUMIBVUNZO yezvengochani:

Zvirevo 1 na4 zviri kutaura mafungiro anoita vamwe vanhu,zvirevo 2 na3 zvinotaura chokwadi chiripo.

• Unobvumirana here nemhinduro yatete Stella? Ndedzipi pfungwadzako dzinobva mukunyatsoziva vanhu ngochani, uye ndedzipipfungwa dzawakawana kubva muvanhu vaunogarisana navo?

• Tsvakai kuti ndeapi masangano anopa mazano nerutsigirokungochani. Kumbirai mumwe weko kuti azouya ataure nebokarenyu nekupindura mibvunzo yenyu. Munogona kuita mibvunzoyenyu yekunyora kana muchinyara kubvunza pane vanhu.

• Itai tsvakurudzo yebumbiro remitemo yenyika yenyu, nemitemoyacho. Semuenzaniso, bumbiro rinoti ‘hapafaniri kuva nemunhuanosarurwa nekuda kwekuti anofarira kurara nemunhu akaita sei’here? Izvi zvinoreva kuti ngochani dzinofanirwa kubatwa semunhuwese, sekutaura kwemutemo. Semuenzaniso, munhu ngochanianokwanisa kupinda chipurisa, kuva mudzidzisi kana mutungamiriwekanzuru yedhorobha, sezvinongoita munhu wese. Itai gakavapanyaya iyi.

ZVOKUITA

35

Wadiwa AgnesKurwadziwa nejeko panguva yekutevera mwedzi chinhuchinowanikwa muvakadzi vazhinji. Ndine urombo kuti jeko rakorakanyanya zvakadaro. Pane zvakawanda zvaungaita kuzvibatsira:

– Kwiza nechekuzasi kwedumbu rako, uye pfanya ruoko rwakopakati pechigunwe chikobvu nechigunwe chemunongedzo (payapane nyama yakanyorovera).

– Nyika jira gobvu mumvura inopisa kana kuti isa mvura inopisamubhotoro riya rekuisa mvura yekuzvidziisa (hot-water bottle)wobva waisa panorwadza pacho.

– Vhaidza ginger wozonwa mvura yacho, kana kuti inwa mimwemishonga yechivanhu.

– Kana uchikwanisa, ita mabasa ako emazuva ese, uye edza kuitamitambo inotwasanudza nekusimbisa muviri, uye kufamba-famba.

– Inwa mapiritsi asina kunyanya kusimba ekupedza marwadzo (seaspirin neparacetamol).

Kana dambudziko racho rikaramba riripo, bvunza murapi wepakirinikikana vaya vanoona nezveutano kuti vakupe piritsi remushongawekudzivirira pamuviri, iro rinodzora marwadzo, richideredza uwanduhweropa rinobuda. Mapiritsi aya haana njodzi zvachose kuvasikanavechidiki.

Usanyara kana vanhu vakazviziva kuti uri kutevera mwedzi. Ndiwomasikirwe emusikana kana mukadzi wese. Madii kubatana pamweneshamwari dzako dzechisikana, mokumbira mumwe mudzidzisiwechidzimai kuti akubatsirei kugadzirisa dambudziko rezvinhuzvekushandisa pachikoro?

Une kodzero yekudzidza, saka kana izvi zvichiita kuti iwe nevamwevasikana murovhe chikoro mwedzi wega wega, imi nechikoro chenyumunofanira kushanda pamwe kugadzirisa dambudziko iri.

Tete Stella

Ndinorwadziwa nejeko

• VASIKANA: Edzai kutevedza rimwe remazano atete Stella kanamuine jeko.Taurirai vamwe kuti zvakakubatsirai sei.

VAKOMANA:Taurai nehanzvadzi dzenyu kana nevasikanavamunodzidza navo. Ngavakuudzei zvimwe zvakawandanezvekutevera, imi muchivaudzawo zvimwe zvingava zvinokunetsaipanyaya iyi.

• Pane zvimwe zvinhu muupenyu hwevanhu zvatinogona kusandurakana tisingazvifariri, asi zvimwe hatina masanduriro atingazviita.Tarisamadenderedzwa ari pazasi awa, ugomaisa mumapoka matatu anoti:– zviri nyore kusandura– zvinokwanisika kusandura– zvakaoma kusandura.

Zvino chisarudza zvinhu zvitatu kubva muboka rezvinhu ‘zviri nyorekusandura’ kana zviri muboka re‘zvinokwanisika kusandura’.Ndezvipi zvaungada kusandura pazvinhu zvacho? Iwe nevamwe vakomungashanda pamwe sei kuti zvamunoda kusandura zviitike?

Tarisai mazano ebasa ringaitwa ari pamagumo pekadhi 29, mobvamatanga kuronga.

ZVOKUITA

chikoro

kiriniki

bokarevechidiki

mitemo yenyika chikwata

chemitambobhengi

boka remitambo

yekutevedzera

svondo

mhuri

mitemoyezvedzidzo

nevekuwanikwakwemabasa

nzvimbo inosanganavechidiki

shamwari

kirabhuyekuchengetedza

mari

mukomana/musikana

wako

36

Wadiwa NyaraiNdine urombo kuti mudiwa wako haachakuitiri zvakanaka, asindizvo zvinowanza kuita varume vakura seizvi, vaine mari.Varume vakuru vakaita sewako vanoda vasikana vadiki nekutivanonakidza uye havavanetsi. Zvakare, pamwe vanenge vachitivasikana vadiki havana HIV.

Asi ukama hwacho hunenge husina kuenzana, uye kana murumewacho ava kuneta nazvo anotanga kutyora zvitsidzo zvake,nekubata musikana wacho zvakaipa. Izvi ndizvo zviri kuitikakwauri.

Kurara nemunhu usina makondomu kune njodzi huru, uyemishonga yechivanhu haikwanisi kurapa HIV – dai yairapan’anga dzingadai dzava nemari yakawanda. Kubvisa pamuvirinemishonga yechivanhu kunogona kuva nengozi, uye zvinogonakuramba kushanda.

Ndinovimba kuti uchafunga zvekusiya mudiwa wako uyu – rudorwakadai harukwanisi kukufadza. Edza kutsvaka rudo rwekutimuri vaviri munenge muchitorana sevanhu vakaenzana, uyeuchikwanisa kutaura zvaunoda.

Funga nezveremangwana rako, uye kuti uchada kuti zvinangwazvako zvibudirire sei. Kana ukadzidzira humwe unyanzvi,ukawana mari, unogona kuzodzidzira basa rawakananga iri.Vayavanoita zvekuratidzira mbatya vanofanirawo kuva vakadzidza,uye kazhinji vanenge vaine mamwezve mabasa avanoita,nekudaro tsvaga zvimwe zvaungaita kuti urarame.

Tete Stella

Dhara rangu rinondibata zvakaipa

• Tarisai pane ‘Zvokutaurirana’ zvamakaita zvepakadhi rino, muonekuti ndezvipi zvikonzero zvamakapa zvinoita kuti vasikana vadevarume vechikuru. Pazvinhu zvacho, tsvakai nzira dzekuti vasikanavangawana nadzo chimwe nechimwe chazvo asi vasingazvipinzipanjodzi yekudanana nevarume vakuru.

Semuenzaniso, mungati: Mari nehembe dzakanaka zvinogona ku-…

• MUTAMBO WEKUEDZESERA: Muri vaviri vaviri, edzeseraipanenge pachitaura Nyarai kuna Godfrey kuti haachadi kumuonazvakare. Godfrey wacho anoita sei? Pashure, taurirai vamwevemuboka menyu kuti ndezvipi zvaitika uye kuti mumwenemumwe wenyu anga achinzwa sei pamanga muchiita mutambouyu. Ndezvipi zvamadzidza?

• Vamwe vanoti varume vakuru vanodanana nevasikana vadiki varikukanganisa kodzero dzevana, saka vanofanira kupiwa chirango.Vamwe vanoti dambudziko riripo nekuda kwevasikana vacho avovanokara, vanodanana nevarume vakuru kuti vawane tunonaka.Imi munoti kudini?

• Muri vaviri vaviri kana kuti muri mumapoka madiki, rongai rumborunobudisa zvamunofunga nenyaya yevarume vakuru vanodanananevasikana vadiki. Rongai nguva yekuzoimbirana nevamwe vosevemuboka renyu.

ZVOKUITA

37

Wadiwa FarayiRudo pazera remakore gumi nemasere runogona kungopisaserudo pazera remakore makumi maviri nemasere.Asi unofanirakuregera zvimwewo zveupenyu zvichienda mberi, iwe hakouchinzwa zviroto nekutapirirwa mumoyo mako nerudo.Sezvineiwo, zviuru nezviuru zvevadiwa zvava kuziva kuti rudorwunopisa kwemwedzi yekutanga rwunozosanduka kuva rudorwakatsiga, rwakadzama, saka unogona kuona pasure penguvapfupi zvava nyore kuti uise pfungwa dzako pamabhuku ako.

Zvisinei, kuziva kwawaita kuti une dambudziko ndiro danhorekutanga rakakosha pakugadzirisa dambudziko racho.Tauranemusikana wako nezvezvauri kunzwa, uye tauriranai kutimungaramba muchidanana, asi muchienderera mberi nedzidzoyenyu sei.

Pamwe munogona kuronga nguva yamunenge muchimboonanazvenyu. Kana kubvumirana kuti munozoonana pashure pekungemaita chakati nechakati. Kana kuti, kana iye ari kunyorawobvunzo, munogona kuedza kuverengera bvunzo dzenyu muripamwe chete – chero chete muchizokwanisa kuramba mazisoari pamabhuku, maoko enyu asingazotangi zvekubatana. Kanarudo rwenyu rwakanaka, chero mamwe mabasa asinganakidzi,akaita sekusakura mumunda, anogona kukufadzai kana muchiaitamuri mose.

Chero zvawafunga kuita, iwe nemusikana wako munokwanisakukurudzirana kuita basa renyu rekuchikoro. Zvinangwa zvakozvemangwana – zverudo kana zvimwewo – zvinokwanisakuzobudirira nyore kana wabudirira zvakanaka mubvunzo dzako.

Tete Stella

Rudo runonditadzisa kudzidza

• Nyora rumbo kana detembo rinotaridza zvinhu zvakanakanezvakaipa zvinogona kuitwa kwauri nerudo.Verengera kana kutiimbira vamwe veboka detembo kana rumbo rwacho.Vazhinjivenyu maona zvakanaka zverudo zvakawanda kupinda zvakaipahere, kana kuti maona zvakangoenzana?

• ‘Rudo ndirwo rwunoita kuti upenyu hufambe, asi harupinzizvekudya mumba.’ Gadzirawo dimikira rako kana tsumo yakoyezverudo. Ndeapi madimikira kana tsumo zvamunofarira panezvamagadzira mose vemuboka renyu?

• Muri vaviri vaviri, gadzirai chirongwa chekuti svondo renyurichafamba sei. Isai nguva yezvidzidzo kana yebasa, yemitambo,yekubatsira mhuri, yekuverenga neyekuzorora – inova ndiyonguva yaunokwanisa kuona mudiwa wako. Rongai nenzirainokwanisika kuzotevedzeka pachokwadi.

• Dzimwe nguva zvatinonzwa mumoyo – kungava kufara kanakusuwa – zvinoita kunge rwizi rwuri kuyerera nekukasika pashurepekunge kwanaya mvura yakawanda, makumbo edu achitadzakutsika pasi zvakanaka. Kana zvakadai zvikange zvaitika kwauri,ndezvipi zvinokubatsira kuti unzwe zviri nani – kunamata, kutauraneshamwari yepamoyo, kubatsira mumwe munhu, kana kutambamitambo, semienzaniso? Taurira vamwe vemuboka, mosemozovimbisana kutsigirana kana paine anenge achida rubatsiropane imwe nguva.

ZVOKUITA

38

Wadiwa TauraiHandingakupi mhinduro yekuti ungaudza ani kana uine HIV kanaAIDS; chinhu chikuru uye chakaoma kusarudza wekuudza. Munhuega ega anofanira kuzvisarudzira.Vamwe havana wavanoudza,vamwe vanoudza hama yepedyo kana shamwari, vamwewovanoudza vanhu vakawanda – uye vanozviita izvi panguvadzakasiyana dzemuupenyu hwavo. Chero zvipi zvinengezvasarudzwa nemunhu zvakangonaka.

Vanhu vakawanda vanonzwa kusununguka kana vakawanawekutaura naye zviri mumoyo mavo, uye vamwe, saamai vako,vakashinga zvekuti vanokwanisa kutaurira ruzhinji rwevanhu. Uye,kumunhu wese ane HIV kana AIDS, zvakakosha kuwana munhuanoshanda nezveAIDS kana boka revanhu vanotsigirana, uchitauranavo.

Zvisinei hazvo, kusvika pachatanga vanhu kusavanza zveHIV,kutaurira vanhu kuti une HIV kunogona kukonzera matambudzikomakuru, akaita sekudzingwa basa, kutizwa neshamwari, kurambwanemudiwa kana kudzingwa paimba paunogara.Vanhu vanofanirakutanga vaongorora kuti ndezvipi zvakaipa zvinogona kuzoitikakwavari, vasati vataurira vanhu kuti vane HIV. Kana uri pabasa,unofanira kuziva kodzero dzako, dziri pamutemo, semushandi aneHIV.

Zvechokwadi, ndinobvumirana newe kuti vana kazhinji vanofarakana vakaziva chokwadi, kunyange chokwadi chacho chichirwadza.

Ndinotenda nekubatsira kwaunoita vechidiki vakawandakuburikidza nemukushinga nekubuda pachena kwako. Runganorwako nerwaamai vako ruchapa tariro kuvanhu vakawanda.

Tete Stella

Amai vangu vane HIV uye vanozvitaura

• Unofungei nemhinduro yatete Stella?

• Nyorai pasi kuti ndezvipi zvamungaita neshamwari dzako kurwisakusarurwa kwevanhu vane HIV kana AIDS. (Semuenzaniso, kuitamitambo, makwikwi ekupindura mibvunzo, makakava, hurukuronevanhu vane HIV, kugadzira hembe dzakanyorwa mazwianokurudzira kuremekedza vanhu vane HIV.) Sarudzai nzira nhatudzamunoti ndidzo dzakanakisisa muboka menyu, mugoronga kutimungafambisa basa racho sei.

• MUTAMBO WEKUTEVEDZERA: Muri mumapoka menyu,rongai mutambo unenge uine vanhu vari kutaura nezvemumwemunhu ane AIDS.Vanhu vazhinji vanenge vachishoropodza munhuwacho chaizvo, asi mumwe wavo mumwe chete anoedzakukakavara achizama kusandura mafungiro avo. Chii chinoitikakumagumo?

• Kokai munhu akaita saTaurai naamai vake kuti vazotauranezvematambudziko avanosangana nawo nekuda kwemaoneroanoita vamwe vanhu HIV neAIDS.Vabvunzei kuti chiichinovabatsira kutarisana nematambudziko acho.

ZVOKUITA

39

Wadiwa JoanZvinotaridzika sekuti unongova nemapundu anowanikwa muvazhinji,kana mburwa dzinowanikwa mune vechidiki vava kuputudza. Ichichinongova chiratidzo chekuti wava kuyaruka, uye kuvanhu vazhinjiizvi zvinongopera zvega nenguva. Zvisinei, izvi hazvibatsiripadambudziko rako raunaro iko zvino. Mburwa dzinogona kunetsakurapa pakarepo, asi zvinonyatsobatsira ukatevedzera mazanoanotevera:

– Chekutanga, zvaunodya zvakakosha. Idya michero nemiriwoyakawanda sekukwanisa kwaungaita, uye idya zvekudya zvisinakunyanya kugaiwa, zvakaita sechingwa che-brown neupfuhwemugaiwa. Usadya zvekudya zviya zvinonaka asi zvisingavakimuviri - zvihwitsi, mabhisikiti, zvekudya zvakazara mafutanezvinwiwa zvemumabhotoro zvinopupuma. Muchero kanachibage chakabikwa kana chakagochwa zviri nani chose kupindamabhanzi nechinwiwa chemubhotoro.

– Chechipiri, inwa mvura yakawanda. Inosuka muviri wako.

– Chechitatu – chinova chakanyanya kukosha – bata kumeso kwakozvakanaka. Usazadza kumeso nemafuta kana mishonga.Usasvinamburwa dzacho. Geza kumeso zvinyoro-nyoro nesipo nemvurainodziyirira, wozopuruzira ganda rako zvinyoro-nyoro. Kuzorakumeso kwako upfu hwechibage hwakaiswa mvura kunogezaganda, kuchiriitawo kuti ritsvedzerere.

Vamwe vechidiki vanogona kuda rubatsiro kubva kuna chiremba,sekuti kupiwa mushonga wekunwa.

Edza kusafunga nezvemburwa dzako.Yeuka zvimwe zvakanaka zviripamuviri pako. Uye usaregera kufamba-famba pane vanhu.Vanhuhavambonyanyi kutarisa mburwa sekufunga kwatinoita kuti vanoita.Uve nerombo rakanaka.

Tete Stella

Ndingarapa sei mburwa dzangu?

• Nyora pasi zvinhu zvikuru zvaunowanza kudya. Zviise mumapokaanoti rezvekudya zvakanaka nerezvakaipa. Ongorora kuti inguvadzipi dzaunodya uye nei uchidya zvekudya zvisina kunaka.Ndezvipi zvaungaita kuti udye zvekudya zvakanaka kakawanda?

• Nyora mufananidzo wako. Nyora zvinhu zvese zvakanaka zviripamuviri wako, nezvinhu zvinogona kuitwa nemuviri wako.Semuenzaniso, ungati: makumbo akasimba ekutambisa bhora;maziso makuru anoona njodzi ichiri kure; nzeve dzakanakadzekuteereresa matambudziko evanhu; mazino machenaanoyevedza; maoko anobatsira mhuri yangu.Apa unenge uchiisamitsetse inonongedza nhengo yacho yemuviri yauri kutauranezvayo. Isa zvinhu zvisiri pasi pezvishanu.

Pekupedzisira, isa pamufananidzo wechiso chako muromo urikunyatsosekerera.

ZVOKUITA

40

Wadiwa ChipoWakaita zvakanaka kushinga kunoongororwa HIV. Iko zvino wavakukwanisa kuita zvakawanda kuzvichengetedza iwe nemwanaawakatakura munhumbu.Vana vazhinji vanozvarwa naamai vane HIVvanenge vasina HIV.Vana vatatu pagumi rega rega ndivo chetevanotapura HIV kubva kuna amai. Izvi zvinoitika mwana achirimunhumbu, pakuzvarwa, kana kuti pakunwa mukaka waamai.Rombo riripo nderekuti pane nzira dzakawanda dzekuderedzamukana wekuti mwana atapure HIV kubva kuna amai.

Chekutanga, makiriniki nezvipatara muZimbabwe vanopa mushongaunonzi Nevirapine kumadzimai ane pamuviri, vachipiwa mahara.Mushonga uyu unoita kuti zviremere HIV kupinda mumwanapakuzvarwa, uye unodzivirira mwana wacho pamazuva matatu akeekutanga pashure pekuzvarwa. Bvunza vekukiriniki nezvechirongwachekudzivirira vana kutapura HIV kubva kuna vanaamai, chinonziPrevention of Parent to Child Transmission (PPTCT). Zvakare,wotonwisa mwana wako mukaka wemumagaba, kana kutiwototsvaka ruzivo rwese runodikwa rwenzira dzinochengetedzaupenyu dzekupa mwana mukaka waamai chete chete (pasinachimwe chaunopa mwana wacho, kana mvura chaiyo) kwemwedzimitanhatu yekutanga. Panongokwana mwedzi mitanhatu unofanirakubvisa mwana pamukaka zvachose, wotanga kumupa kumwekudya.

Zvakare, batsira mwana wako nekuzvichengetedza iwe amai vachozvakanaka sekukwanisa kwaungaita – kumbira mazano kukiriniki.Vekukiriniki vanokwanisawo kukutaurira kuti mwana wakoanofanirwa kuzoongororwa HIV riini, uye kuti ndezvipi zvaungaitakuti agare aiine utano.

Uve nerombo rakanaka pakuva kwako mubereki.

Tete Stella

Ndine HIV uye ndine pamuviri

• MUTAMBO WEKUEDZESERA: Amai vane HIV vafunga kutivayamwise mukaka mwana wavo mucheche kwemwedzimitanhatu yekutanga, saka iko zvino vava kufanirwa kutauriravamwene vavo kuti havakwanisi kuti vape mwana wacho kumwekudya kana kunwa kupi hako.

Munofunga kuti iri idambudziko here muupenyu chaihwo?Ndezvipi zvingaitwa nezvazvo?

• Nyora pasi zvese zvakanakira nekuipira kuti amai vayamwisemwana mukaka kana vaine HIV. Nyorawo zvakanakira nekuipirakupa mwana wacho mukaka wemugaba. Dai uri iwe amai varipakadai waiita sei?

• Unofunga kuti chinhu chakadii kuva amai vane HIV, vane mwanaari kurwara? Tsvaka ruzivo rwezvezvirongwa zviri munzvimbomaunogara zvekubatsira madzimai ane dambudziko rakadai.Vanoda rumwe rubatsiro here? Ndezvipi zvaungaita kubatsira?

• Ona kadhi 26 rine mamwe mazano ezvekurarama kune tariro.

ZVOKUITA